Vorwira imba yevabereki vakafa

26 Jul, 2023 - 09:07 0 Views
Vorwira imba yevabereki vakafa Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wekwaMutare anoti ari kutadziswa kusvika pamba pababa vake nemumwe mudzimai uyo ari kuti imba iyi ndeyaamai vake yavakatengerwa nababa vemurume uyu panguva yavaidanana.

Tarwireyi Takawira akaendesa Phyllis Watyoka kuHarare Civil Court achiti baba vake vakamusiira imba vasati vashaya asi akazoshamisika paakaenda achida kuona kuti pamba paive pakamira sei, ndokuwana patove nechikoro chekireshi.

“Ndakashamisika kuona pamba pava nekireshi ndokuudzwa kuti mudzimai uyu ndiye anga aita saizvozvo. Inini handina kana hukama naye naizvozvo haafanire kuita zvaari kuita pamba pababa vangu, anofanira kubva. Pandakamubvunza akati haaizobva nekuti imba yake yaakasiirwa naamai vake,” anodaro Takawira

Achipawo divi rake, Watyoka anoti imba iyi ndeyaamai vake yavakatengerwa nababa vaTakawira panguva iyo vaidanana.

“Vabereki vedu vaidanana naizvozvo baba vaTakawira vakafunga kutengera amai vangu musha kwaRusape saka imba ndeyaamai vangu. Hatina kana ukama asi kuti baba vake vakangopindawo mukudanana naamai vangu. Vose vari vaviri vakashaika, ndipo ave kuda kuti imba ndeyababa vake,” anodaro Watyoka.

Mutongi Nyasha Marufu akati Watyoka naTakawira vanofanirwa kunyoresa zviri pamutemo imba iyi kumatare anoona nezvekugovewa kwenhaka kuitira kuti mumwe nemumwe wavo agowana mugove wake wakaringana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>