Vosimudzira mabasa ekurima

23 May, 2022 - 13:05 0 Views
Vosimudzira mabasa ekurima Mambo Chundu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAMBO ekudunhu reMashonaland West vabatana nemakambani nemasangano akazvimirira anoona nezvekurima mukusimudzira mabasa ekurimwa kwemumapindu nezvimwe zvirimwa.

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe naMambo Ngezi, VaPeter Pasipamire – avo vanova sachigaro wemadzimambo kuMashonaland West – vanoti vakabatana nemakambani mukusimudzira kurimwa kwembesa diki.

Mambo Chundu vanoti danho iri riri kubatsira zvikuru munyaya dzekusimudzira mabasa ekurima.

“Dunhu reHurungwe rakaita mukurumbira wekurimwa kwedonje zvikasimudzira upfumi hwenyika. Izvozvi taitawo mbiri yekurima fodya nezvimwe zvirimwa.

“Semusimboti wenyika uye semadzimambo, taona zvakakodzera kuti isu titange kudyidzana nemakambani ane chekuita nekurima tichipanana mazano tichivaunza muvanhu vedu nekuti hwaro hweupfumi hwedu huri muvhu,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti kurimwa kwemapindu kunotarisirwa pasi nevarimi vakawanda vachimhanyira kurima minda yakakura, izvo vanoti hazvifanirwe kudaro.

“Tiri kuita hurukuro nemakambani ari kuKaroi, Magunje, Chinhoyi, Kariba, Harare nekumwe uko tiri kufamba tichitaura navo kuti vatsigire varimi vedu nenzira dzavanogona. Mukati menhaurirano dzedu nemakambani aya, varimi vari kupihwa mbeu nefetiraiza zvinofambirana nezvirimwa zvavo uyewo nekupihwa ruzivo,” vanodaro.

Mambo Chundu vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kubatsirana neHurumende kusimudzira mabasa ekurima mudunhu redu reMashonaland West. Varimi vanosarudza chirimwa chavanoda kurima takanangana nemapindu, vodzidziswa uye vopihwa mbeu nemishongabyacho izvo vanobhadhara. Izvozvi mapindu azara nemhando dzezvirimwa zvakasiyana kuburikidza nechirongwa ichi.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Ngezi vachiti chirongwa ichi chiri kusimudzira mabasa ekurima mudunhu ravo.

Mambo Ngezi

“Chirongwa chekushanda nemakambani anoona nezvekurima ichi chasimudzira mabasa ekurima, zvikuru kuno kuMhondoro nedzimwe nzvimbo dzeMashonaland West. Musimboti wedu uri pavarimisi avo tinoshanda navo zvakanyanya, zvinoreva kuti mhuri dzedu hadzichafa nenzara uye mari yevana vechikoro inowanikwa kubva muzvirimwa izvi,” vanodaro Mambo Ngezi.

Vanoti vane misangano yavanoita nenyanzvi dzezvekurima nemakambani ekubatsira varimi.

“Tine makambani akawanda kuno ari kusimudzira mabasa ekurima uye tava nesirogani yekuti, ‘Murimi Usarare Ugute’ zvaita kuti mhuri dzigute,” vanodaro Mambo Ngezi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>