Weti yetsuro chamvari

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Weti yetsuro chamvari VaGift Jambaya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI wemuHarare ane mukurumbira wekupfuya tsuro munyika muno okurudzira vamwe varimi kuti vashandise weti yetsuro semanyowa kana fetiraiza yekuisa muzvirimwa zvakasiyana zvakadai sechibage nedonzvo rekuti vawane goho guru.

VaGift Jambaya – avo vanopfuya tsuro dzemhando dzakasiyana vari kunzvimbo yeWestgate, muguta reHarare – vanoti varimi kunze kwekumirira kutengesa tsuro dzavo kumabhucha nekuvanhu vakasiyana, vanogona kushandisa weti yacho semanyowa kana fetiraiza.

“Weti yetsuro ishasha pakuita manyowa kana fetiraiza yekuisa muzvirimwa zvose ungava muriwo, derere, chibage kana bhinzi. Chinodiwa chete kugadzira makeji etsuro dzedu ane nzvimbo yekuti weti iyi inochingidzirika yoyerera ichinopinda mungava mumugomo kana mudhishi. Murimi anozotora weti iyi oisanganisa nemvura kwemazuva. Vamwe vanozotora huswa nemasaw dust nenhoko dzemumatanga aya zvosanganiswa neweti iyi izvo zvinozoiswa muzvirimwa,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti muweti yetsuro munowanikwa zvekudya zvinodiwa nezvirimwa zvakasiyana zvakadai senitrogen, phosphorous, potassium neurea.

Patsuro gumi, vanodaro VaJambaya, kana weti iyi ikachingidzirwa zvakanaka murimi anokwanisa kuwana marita matatu kana mana pazuva.

“Izvi zvinoitira nyore varimi pakurima sezvo vasingazotenga fetiraiza uyewo weti iyi inoshandiswawo semishonga yekuuraya tumbuyu muzvirimwa netunonanaira mudzimba. Kuti weti iyi isapise zvirimwa, inofanirwa kuzosanganiswa nemvura nemwero unokurudzirwa muchishanda nevarimisi,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti vamwe varimi vanogona kusanganisa weti iyi nematsegwa kana kuti molasses, mashizha, magufu echibage kana zvimwe zvirimwa zvakaiswa panzvimbo yakavharika semugomo zvogara kwemasvondo apo zvinenge zvaorera zvozoiswa muzvirimwa.

Mhando yefetiraiza iyi kana kuti manyowa vanoti anoiswa kubvira kumashizha nekumadzinde pasina dambudziko rinosangana nezvirimwa.

“Ishungu dzangu semurimi anopfuya tsuro achitengesa kuti vanhu ngavatore mikana iyi yekugadzira manyowa akasimba nefetiraiza kubva muweti yetsuro,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti murimi akaita tsuro dzingava mbiri uye dzikawanda zvekusvika zana kana kudarika haafanirwe kuzotambura nekutsvaga kutenga fetiraiza.

“Ngatiitei mari nekutengesa tsuro uyewo neweti yacho. Tine mvere dzetsuro nematehwe acho izvo zvinogadziriswa zvinhu zvakasiyana, miswe chaiyo yetsuro nemakumbo acho zvinogadziriswa zvinhu zvakasiyana. Tine mabhegi emadzimai, makey holders, mabhadhi, bhutsu chaidzo, nguwani dzevarume nemadzimai nezvimwe zvakasiyana zvinobva mutsuro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>