Zim ine maguta: gmb

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeGrain Marketing Board (GMB) inoti iri kutarisira kuwana matani 1,2 miriyoni echibage mumwaka wa2018 uye izvi zvinoreva kuti Zimbabwe ine kudya kwakakwana nekudaro haizi kuzotenga chibage kubva kunze kwenyika.

VaRockie Mutenha vanova general manager wekambani iyi vanoti vari kubhadhara varimi vari kuunza chibage chavo mukati mesvondo rimwe chete.

“Takatowana matani 1 111 809 kare echibage kubva kuvarimi kubvira kutanga kwemwaka wekutenga chirimwa ichi nomusi waChivabvu 1 uye tiri kutarisira kuti tinge tichisvika pamatani 1,2 miriyoni. Panguva imwe chete iyi gore rapera, kambani yeGMB yakawana matani 1 091 349 echibage. Chibage chatainge takachengetedza chaive matani 1 314 383 kusanganisira cheStrategic Grain Reserves,”  vanodaro.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe ine kudya kwakakwana nokudaro haisi kuzotenga chibage kune dzimwe nyika.

Huwandu hwechibage chakaendeswa kudura guru reGMB hwakawedzera nekuda kwenzira dzakanaka dzekubhadharwa kwevarimi idzo dzakasanduka kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

Mumakore adarika, varimi vaitosarudza kutengesa chibage chavo pamusika wemukoto pachinzvimbo chekuti vange vachichiendesa kuGMB nekuda kwekunonoka kubhadharwa uye mari dzavaiwaniswa nedura iri dzaive shoma.

“Kambani yeGMB iri kutenga chibage, mapfunde matsvuku, mapfunde machena nemhunga nemutengo we$390 patani imwe chete,” vanodaro VaMutenha.

Vanoti vari kutenga zvakare soya bhinzi ne$780 patani.

VaMutenha vanoti hapachina chikonzero chekuti varimi varambe vachitengesera chibage chavo kumakoronyera nerweseri sezvo vasingavape mari svinu uye nenguva.

Vanoti mutengo wechibage we$390 patani uripo bedzi kuti murimi awane chouviri pane kuti ange achidzvanyirirwa.

“Pakutanga kwemwaka wekutengesa, sangano reAgriculture Marketing Authority rakataura kuti hakuna vamwe vatengi vanobvumidzwa kutenga chibage kunze kweavo vari muchirongwa chemakondirakiti nokudaro avo vari kutenga chibage nerweseri vanenge vari kupara mhosva,” vanodaro.

Kurimwa kwechibage muZimbabwe kuri kuramba kuchisimukira zvikuru kubvira kuuya kwakaita chirongwa cheCommand Agriculture.

Chirongwa ichi chakaunzwa neHurumende uye chiri kubatsira zviuru nezviuru zvevarimi avo vaikundikana kurima zvakanaka nekuda kwekushaya rutsigiro rwemari nezvimwe zvekushandisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>