Zim yotarisira goho guru . . . Midlands yotungamira pachibage

24 Mar, 2023 - 11:03 0 Views
Zim yotarisira goho guru . . . Midlands yotungamira pachibage Chibage

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vemudunhu reMidlands mwaka uno vakarima mahekita 469 408 echibage chinova chikamu chepamusoro-soro kudarika mamwe matunhu ose munyika apo Zimbabwe iri kutarisira kuwana goho guru zvichitevera kunaya zvakanaka kwemvura munzvimbo zhinji.

Mumwaka uno, mahekita 1 962 575 akadyarwa chibage munyika yose kana zvichienzaniswa negore ra2010 apo mahekita mamiriyoni maviri akarimwa chibage.

Goho regore rino haringoburitsi chikafu chinogutsa nyika chete, asi kuti varimi vachatowana chimwe chekutengesa, kusanganisira zvirimwa zvakadai semhunga, mapfunde, zviyo, gorosi, nyimo nenyemba.

Mwaka wadarika, varimi vakarima mahekita 1 903 668 nokudaro mahekita 1 962 575 akarimwa mwaka uno akawedzera nezvikamu zvitatu kubva muzana.

Mumakore adarika, dunhu reMashonaland West ndiro raibatsira zvikuru mukurima nekuda kwemamiriro ekunze akanaka uye ivhu reko rakakora.

Mumwaka weZhizha wadarika, dunhu iri rakadarika zvainge zvatarwa ndokuzodomwa kuti ndiro rakakunda pachirongwa chePfumvudza/Intwasa Scheme chinova chiri kubatsira mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

Ongororo yezvirimwa nezvipfuyo yemwaka weZhizha uno iyo yakaitwa nebazi rezvekurima, inoratidza kuti varimi vekuMidlands vakarima chibage pamahekita 469 408 kana zvichienzaniswa ne391 945 emwaka wadarika.

Mashonaland West ine mahekita 322 844 kana zvichienzaniswa ne324 159 gore rapfuura, kuchitiwo Manicaland ine mahekita 272 874 kana zvichienzaniswa ne235 544 egore rapfuura.

Gwaro iri rinoratidza kuti varimi vekumaruwa vari kubatsira zvikuru mukurimwa kwechibage nezvikamu makumi matanhatu nezviviri kubva muzana, ukuwo veA2 vaine zvikamu zvisere kubva muzana, izvo zvadzikira kubva pazvikamu gumi kubva muzana mwaka wadarika.

Zimbabwe inoda matani 2,2 miriyoni echibage evanhu nezvipfuyo pagore uye mwaka uno iri kutarisira goho rematani 3 miriyoni.

Munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa, Dr John Basera, vanoti vanofara zvikuru nekukunda kwakaita dunhu reMidlands mukurima chibage.

“Pane matanho anotorwa mukurima nenzira yePfumvudza anosanganisira kuchera makomba, kuisa manyowa kana mashanga anochengetedza mwando murimi ozodyara mbesa dzake. Pakadai, goho rinokura vanhu vakafunga kuti une divisi.

“Tinosimbaradza zvekare nyaya dzemadiridziro pane kumirira mvura yekunaya sezvo nyika iri kutarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers’ Union (ZCFU), Dr Shadreck Makombe, vanoti pane mukana wekuwana goho guru rechibage nekuda kwekunaya kwemvura zvakanaka kusvika pari zvino.

“Mwaka uyu wakanaka zvichitevera kunaya kwemvura zvakanaka. Tine chokwadi negoho guru mwaka uno,” vanodaro.

Mukuru weZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vanotiwo: “Tiri kutarisira goho rakanaka. Varimi vari kuita zvakanaka mwaka uno uye budiriro yaitwa kusvika pari zvino inoratidza ramangwana rakajeka mukurima.”

Share This:

Sponsored Links