Zimbabwe imwe yenyika dzine tungundu

18 Dec, 2023 - 16:12 0 Views
Zimbabwe imwe yenyika dzine tungundu Zviratidzo zvetungundu mumhuka

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rakadoma Zimbabwe seimwe yenyika shanu dziri pamusoro pakuva nechirwere chetungundu mushure mekunyuka kwenyaya 1 166 dzechirwere ichi kubvira kutanga kwegore rino.

Kubva kutanga kwegore, ndufu dzinosvika makumi maviri dzawanikwa muZimbabwe, Kenya, Malawi, Uganda neZambia.

Chirwere chetungundu chinowanzobata zvipfuyo zvakaita semombe, hwai nembudzi pamwe nemhuka dzesango. Vanhu vanogona kutapurirwa kana vakasangana nemhuka, kudya kana kubata nyama dzemhuka dzine hutachiona.

Kana vanhu vakabata nyama dzemhuka dzine hutachiona hwetungundu kana kufema mweya wacho, zvinoita kuti hupinde mumuviri memunhu otobatwa nechirwere ichi.

“Kune nyaya 1 166 dzetungundu dzakaitika ukuwo 37 dzakaongororwa mumarabhoritari. Nyika shanu dzinowana nyaya idzi mwaka nemwaka asi Zambia yakatarisana nedambudziko rakaipisisa kubva muna2011 uye Malawi yakawana nyaya yekutanga yechirwere ichi gore rino. Uganda yakawana ndufu gumi nenhatu, ” rinodaro sangano reWHO.

“Dambudziko rechirwere ichi riri kuitika munyika dzose dziri shanu zvingangove zviri kukonzerwa nezvinosanganisira kusanduka kwemamiriro ekunze, kushomeka kwechikafu uye kutapurirwa chirwere ichi kuburikidza nekubata nyama yemhuka dzine hutachiona.”

WHO inoti chirwere ichi chiri kupararira mumatunhu ari pedyo nerwizi Zambezi, Kafue neLuangwa rinova rimwe dambudziko nekuti nzizi idzi dzinodirawo muLake Kariba muZimbabwe, Cahora Bassa kuMozambique neLake Malawi.

“Utano hwevanhu huri panjodzi yakanyanya apo vanobata mhuka dzakafa nechirwere ichi pamwe nekudya nyama ine hutachiona,” inodaro WHO.

“Zvakakosha kuti paitwe ongororo yakasimba munzvimbo dziri kutambudzwa nechirwere ichi senzira yekuchengetedza utano hwevanhu nezvipfuyo uye sangano reWHO rinokurudzira kushandiswa kwedziviriro yakadai semagirovhosi pakubata mhuka kana zvipfuyo zvine hutachiona hwetungundu, kusanganisira pakupepa varwere vanenge vaine hutachiona uhwu.”

Veruzhinji vanoyambirwa kuti vasadye, kutenga kana kutengesa zvipfuyo zvinofungidzirwa kuti zvakafa nechirwere chetungundu.

Pamusoro pezvo, kana pachinge paita fungidziro yechirwere ichi kuzvipfuyo, hazvitenderwi kuti zvitengeswe kana kuendeswa kune dzimwe nzvimbo uye kufambiswa zvisiri pamutemo kwezvipfuyo kunofanirwa kumhan’arwa kumapurisa nekuchikamu chinoona nezvemhuka cheDepartment of Veterinary Services sezvo iri imhosva.

Share This:

Sponsored Links