Zimbabwe ine maguta egorosi

20 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Zimbabwe ine maguta egorosi

Kwayedza

Precious Manomano

ZIMBABWE yakarima gorosi zvine hunyanzvi mwaka weChando uchangodarika izvo zvakaona ichikohwa matani 375 000 zvinova zvakagumisira kuitwa munhoroondo yekurimwa kwegorosi nenzira iyi mugore ra1966.

Budiriro iyi yakavapo nekuda kwerutsigiro rwakasimba rweHurumende uye kushanda kwayo nemasangano akazvimiririra mukutsigira varimi.

Mumakore adarika, Zimbabwe yaisakwanisa kurima gorosi rinogutsa nyika nekudaro yaitopona neraitengwa kune dzimwe nyika.

Makambani akazvimirira anotarisirwa kutsigira kurimwa kwegorosi nezvikamu makumi mana kubva muzana izvo zvakazadzikiswa gore rino.

Magwaro anoburitswa neveAgricultural and Rural Development Advisory Services svondo roga-roga anoratidza kuti varimi kumatunhu ose enyika vakapedza kukohwa gorosi.

Izvi zvinoratidza zvakare kuti nzvimbo yakakohwewa mumatunhu ose inosvika mahekita 78 063 anova chikamu che97 percent cheminda yakarimwa apo goho rematani 375 131 rakawanikwa.

Chief director weAgricultural and Rural Advisory Services, Professor Obert Jiri, vanoti nekushanda pamwe chete pakati peHurumende nemakambani akazvimirira, vakakwanisa kusimudzira kurimwa kwegorosi.

“Hongu, takakwanisa kuzadzikisa chinangwa. Izvi zvakaitika nekushanda nesimba, kuzvipira uye kushanda pamwe chete kurima gorosi rinokwanirana nenyika.

“Basa guru iri rinotendwa zvakanyanya uye tine chokwadi chekuti tinogonawo kuita zvinopfuura izvi mumwaka inotevera,” vanodaro Prof Jiri.

Sachigaro wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ), VaTafadzwa Musarara, vanoti kurimwa kwegorosi kuri kusimukira zvakanyanya kubva makore adarika uye kana makambani akazvimirira akaramba achishanda neHurumende, kutengwa kwegorosi kunze kwenyika kunopera zvachose.

“Tine goho guru gore rino kubva pakatanga kurimwa gorosi. Gore rino, Hurumende haina kungosimudzira varimi chete, asi kuti vatengi pamwe nekuwaniswa kwezvinhu uye kugadzikana kwemitengo.

“Kudyidzana neHurumende kwakakosha panyaya yekuwanisa nyika chikafu. Taitenga gorosi rinokosha US$300 miriyoni kunze kwenyika, hatichadaro nokuti tava naro rakakwana.

“Takakwanisawo kuwana zvekushandisa zvegore rose,” vanodaro.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vanoti budiriro yegoho guru regorosi inoyemurwa zvikuru uye ndokukurudzira varimi kuti vashande nesimba mwaka unotevera.

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, Dr Shadreck Makombe, vachiti varimi vakaita zvakanaka mukurima gorosi uye vanofanira kuchimbidza kudyara mwaka unotevera.

Gore rakapera, goho regorosi raive matani 330 000 kubva pamahekita 66 000 ainge arimwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>