Zimbabwe yovandudza mafuro emombe

22 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
Zimbabwe yovandudza mafuro emombe Dr John Bhasera (pakati) vaina Dr John Makoni kuruboshwe naDr Joshpat Nyika vanova Chief Director kubazi reVet

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BAZI rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa riri kusimbaradza mabasa ekupfuiwa kwemombe dzemukaka munyika pamwe chete nekuvandudza mafuro.

Vachitaura pagungano rezvekurimwa kwemafuro emombe iro raitsigirwa nesangano reZimbabwe Association of Dairy Farmers (ZADF) kuPomona, muguta reHarare svondo rapera, munyori mukuru mubazi iri – Dr John Basera – vanoti mombe ndiwo musimboti wekurima munyika.

Vanoti donzvo renyika rakanangana nekurima uye budiriro kusvika 2030 inozadzikiswa nezvirongwa zvinosanganisira kusimudzira chikamu chekupfuiwa kwemombe.

“Tine chirongwa chekuvandudzwa kwezvipfuyo chemutungamiri wenyika cheLivestock Recovery and Growth. Tine chimwe chirongwa zvekare chevarimi chekubatsirwa kwavo neHurumende kurima mafuro, kugadzira kudya kwezvipfuyo nekusimukira kwekupfuiwa kwemombe dzemukaka,” vanodaro Dr Basera.

Pasi pechirongwa ichi, Hurumende iri kubatsira varimi vanosvika 700 000 nekuvapa mbeu yesora remafuro nemafetireza acho.

“Kupfuya mombe dzemukaka kunoda kutsigirwa nekurimwa kwesora rinodyiwa nemombe dzacho, saka Hurumende yapindira pakutsigira varimi munyaya dzekurima sora.

“Mombe dzemukaka dzakawedzera nechikamu 11,3 percent, kureva kuti mombe dzedu dzaimbova 48 000 munyika dzakwira kusvika 53 000. Mombe imwe chete yemukaka yaimbotipa marita masere pazuva asi iye zvino tava kukama marita 12 nekuda kwekuwana mafuro akanaka,” vanodaro.

Gungano revarimi 1

Dr Bhasera vanoti gore rino Hurumende iri kutarisira kuti pachawanikwa mukaka unosvika marita 105 miriyoni munyika, kunyange zvazvo Zimbabwe ichida marita 120 miriyoni pagore kuti uchikwanirane nezvinodiwa.

“Basa rekukamwa kwemukaka riri kuramba richisimukira, mugore ra2021 kusvika 2022 kukamwa kwemukaka kwakasimukira nezvikamu gumi nezvishamu kubva muzana sezvo mukaka wakakamwa wakasimukira kubva pamarita 79,6 miriyoni kuenda pa91,4 miriyoni. Mugore rino ra2023, takatarisira marita 105 miriyoni uye kusvika muna2025 tinoda kuzowana marita 120 miriyoni pagore.”

Dr Bhasera vanoenderera mberi vachiti: “Tikatsigira varimi vedu nekurima mafuro kureva kuti havazotenge zvinhu zvavanoda kunze kana muzvitoro, vava kugadzira voga kudya kwezvipfuyo zvavo. Saka tiri pano nhasi kuona mbeu inodiwa yemafuro tiine nyanzvi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>