Zivai kwamakabva: Sekuru Taps

26 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Zivai kwamakabva: Sekuru Taps Tapiwa 'Sekuru Taps' Chiradza

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weSungura – Tapiwa ‘Sekuru Taps’ Chiradza – ari kukurudzira vamwe vaimbi kuti varangarire kwavakabva uye vakoshese vatsigiri vakafamba navo panguva iyo vakatanga kutsikisa mhanzi.

Kazhinji kana muimbi aita mukurumbira, anokanganwa kwaakabva uye vanhu vakamutsigira kuti asvike padanho raari.

“Ini chandakadzidza mune zvemhanzi ndechekuti usakanganwe kwawakabva nekuti mangwana zvikazokuomera muupenyu, vakakusimudzira ndivo vanomira newe.

“Mumhanzi vanhu vakawanda vanozokufarira kana waita mukurumbira chete, asi uchitanga uchishupika vanenge vasina basa newe. Saka zvakakosha kuti uzive kuti shamwari dzako chaidzo ndedzipi kuitira kuti uzobatsirika mune remangwana.

“Ngatirangarire kwatakabva pamwe nekukoshesa vanhu vakamira nesu panguva yatakatanga uye vachifamba nesu nguva dzese,” anodaro.

Sekuru Tapiwa, uyo anotsigirwa nechikwata cheGolden City Band, akwanisa kubura madambarefu mana anoti Ndipeiwo Dariro (2019), Zvikekeke (2020), Musoro Wechitima (2021) naKurira Kwengoma (2022).

Anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Havana Rudo, Sandie, Dai Ndiri Shiri uye Chatikobo.

Anoti vaimbi veSungura vanofanirwawo kutanga kubika mavhidhiyo emhanzi emandorokwati izvo zvinobatsira kuti musambo uyu urambe uri pamusoro kudarika mimwe.

“Iye zvino mavhidhiyo ndiwo ave kutengesa mhanzi nekuti vatsigiri chavanoda kuona mavhidhiyo, uku vachinzwa mhanzi inenge ichirira. Mhanzi yega isina mavhidhiyo haichanakidze, asi mavhidhiyo emhando yepamusoro anoita kuti vatsigiri varambe vachititevera,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>