Zororo riri kudenga!

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

NYIKA yese vana inongove, “Mvura naya-naya, tidye mupunga; Mvura naya-naya tigodya mapudzi!” Kana uri mupunga, kwangove kungoimbawo nokuti vafinhwa nawo. Vana amai zvimwe munozonyanyawo kani! Pamwe mapudzi vangatoashuvira, ndokunge vazhinji vachiaziva.Svondo rino ndati tirumane nzeve kuti pasi pano hapana zororo, asi kuti zororo riri kudenga.

Kwete handisiri ini ndiri kukurumai nzeve, asi kuti imi vaverengi ndimi muri kutaura namadimikira akasiyana-siyana kuti zororo riri kudenga. Kana muchitaura nemutauriro uyu, munenge muine pamakananga.

Nhasi izuva rokupemberera chibvumirano chokubatanidzwa kwakaitwa mhuri yeZimbabwe (Unity Accord) mugore ra1987, mushure mokunge musha wambopindwa navaenzi vasina kunaka vembengo. Asi vangani vedu vari kudzimba, vakazorora? Nokuti izororo rakadzikwa neHurumende?

Ichinaya zvairi kuita izvi mazuva ano, vangani vachagara kudzimba, vachitandara nehama neshamwari, vachitadza kuenda kumunda – vamwe kunopedzisa kudyara; vamwewo kunosakura; vamwe nokuku vachiisa fetiraiza muzvirimwa zviri kukura zvichiyevedza?

Hazvirevi kuti vanhu havafariri kubatana, asi vanoziva, vanoziva kuti panogutwa, ndipo panouya sungano, vanhu vachishandira mhuri dzavo nesimba. Sezvo munhu wese ange akamirira mvura, havangaregedzi ichingoperera muvhu, pasina zvavaita nayo. Vanotokuudza kuti, zororo riri kudenga; kana kuti zororo harina dura.

Ukazorora unodya mhepo here?

Nokudaro, kunyange nhasi riri zororo, vazhinji vachaita mazorora mudenga vari kumaminda. Hakuzi kuzvidza chibvumirano cheUnity Accord, asi vanhu vachishanda zvavari kuita kudai, mucherechedzo wokuti munyika makadekara, mune runyararo. Munyika mune mhirizhonga nehondo, zvese zvokuti kune Unity Day, panenge pasina anozvirangarira.

Tabva muUnity Day, musi weSvondo 25 Zvita, vanhu vanenge vachitamba zororo reKirisimasi.

Kana iwoyu musi, hapana “zororo” zvakare, nokuti kana kuzvarwa kwaMambo Jesu kwave kupembererwa musi weSvondo, zvazvinongotaura ndezvokuti vaKristu vanenge vari kumakereke sezvavanongoita Svondo rega-rega. Saka kana vaswera kuchechi, vanenge vazorora here? Vanenge vachiti vatamba Kirisimasi here?

Musi woMuvhuro, 26 Zvita izuva rinodaidzwa kuti Boxing Day. Harisi zuva raana Charles Manyuchi rezvibhakera kwete, asi izuva rokupanana zvipo, unove ndiwo musimboti weKirisimasi.

Hurumende yakatarawo zvakare kuti musi wa27 Zvita izororo. Asika, zororo riri kudenga. Tingade kurara, kushanyirana, asi kana taimbochemera mvura kuti inaye, tingatoda kuswera takatambarara, tichidya nyaya vamwe vachitamba nevhu?

Nokudaro, zororo riri kudenga!

Tozopinda muGoredzva. Unenge uri musi weSvondo zvakare. Apa ndipo pane nyaya, iri kumberi sechigaro chamufundisi.

Vatendi vanogarira Goredzva vari kumakereke avo, kusvika kunze kwayedza – watove musi wa1 Ndira 2017.

Kana vaita pungwe vari kuchechi vanozombodzokera kudzimba zvakare here, kana kuti vanobva vatongopinda svondo, nokuswera variko kuchechi? Panenge paine zororo here? Tozonzwa mave kutiudza kuti makazvifambisa sei!

Asika, musi wa2 Ndira izororo zvakareka? Sora harimiriri kuti murimi ari kumbopemberera gore idzva.

Rinenge richingokura. Fetiraiza inenge ichida kukandwa, saka kurara nokufara hakuna ndima, kunyanya matenga achingonyemwerera kudai! Nguva yokuzorora ichauya – kudenga!

Ndopedzisira nokubvunza zvinhu zvatinofunga kuti zvinonzwisisika. Hama dzadiwa, kana muchiti, “Mazuva ano Kirisimasi yacho ichambonakidza here”; kana kuti, “Gore rino mari ichinetsa kudai, hapana nezveKirisimasi iripo”, munenge muchirevei?

Kisirimasi inoshaikwa sei, gore negore Hurumemnde ichitogara pasi kuronga mazuva ezororo aya? Saka kana kusina Kirisimasi, munoenderei kuzororo, uyewo kana kusina Kirisimasi chii chakaitika kwairi?

Vamwe unonzwa vachiti yamazuvano haichanakidza nokuti mupunga nenyama yehuku zvave zvinhu zvavanogarodya nguva dzese. Saka, Kirisimasi kudya nokunwa chete here?

PachiRungu inonzi Christmas. Mupanda wokutanga wezwi iri unotaura kuti iyi inyaya yaJesu Kristu – kurangarira kuzvarwa kwake makore 2000 apfuura. Saka kana pasisina zveKirisimasi mazuva ano, pamusana pezvinonetsa, zvavewo kureva kuti kana naJesu wacho ane zuva ratiri kurangarira haachisikoka? Ndizvo here?

Rurimi inyoka hama dzangu. Tinotaura takavarairwa, asi tisingazive kuti tiri kutopinda negejo muchechi, iyo minda ari makura anoda kurimwa?

Uyewo, kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi. Kurasa muromo kwakadai, tinokunzwa zvakare panguva dzokupemberera kuzvitonga kuzere muna Kubvumbi. Unonzwa vamwe vachiti Independence yatakawana musi wa18 Kubvumbi 1980 hakusisina. Hana dzedu dzinorohwa nehana. Yakaenda kupi? Kurasa mbereko nokufirwa?

Zimunzwa rinongobaira mundove. Pamuri kushivirira, Mukwende ari kuti, “Pombonokai, sunungukai munyika yokwenyu ine runyararo. Monyengeterawo zvazviri paKirisimasi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>