Kwayedza
Muchaneta Chimuka
SANGANO rePELUM Zimbabwe iro rinova mubatanidzwa wemasangano evarimi avo vane donzvo rekurima kune pundutso, riri kudzidzisa varimi kukosha kwezvirimwa zvetsanga diki semapfunde, mhunga nezviyo sezvo zvichitivirira muzuva semunguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze apo mvura inonaya inogona kushomeka.
Varimi ava vari kudzidziswa pasi pechirongwa cheZimbabwe Seed Sovereignity Programme (ZSSP) icho chiri kuitwa mumadistricts manomwe nechinangwa chekusimudzira varimi vadiki.
“Kudya kwepasichigare kwakadai semutakura, nyemba, nyimo, sadza rezviyo nekumwe kwakakosha zvikuru kuutano hwevanhu saka tinoda kuti veruzhinji vazive kukosha kwekudya uku,” vanodaro VaTheophilus Mudzindiko vanova murongi kuParticipatory Ecological Land Use Management (PELUM) rinova zvekare rinotsigira chirongwa cheZimbabwe Seed Sovereignty Programme (ZSSP) apo vaitaura nemusi weChina pagungano revarimi muguta reHarare.
Vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Kucherechedza Kukosha Kwemhunga”.
“Tiri kunyanya kukurudzira kurimwa kwemhunga yemhando yeBarnyad Millet iyo inodaidzwa kunzi Svoboda kuMasvingo nekuti tiri kuona kuti iri kushomeka munyika. Zvekare pachange pachiitwa mimwe mitambo yechivanhu sekuridzwa kwembira, madhirama nezvimwe zvinobatsira mukukusha mashoko kune veruzhinji maringe nekukosha kwekurima chikafu chechivanhu munyika,” vanodaro.
Mhando yemhunga iyi ine mukurumbira wekuva nekudya kunovaka muviri uye iri nyore kurima sezvo ichitivirira muzuva kureva kuti haina basa nemvura yakawanda.