Zvekuimba zviri mumhuri: Chinda

18 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
Zvekuimba zviri mumhuri: Chinda Nix 'Mr Mayes Yes' Chinda - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI weSungura achiri kusimukira, Nix Chinda (40), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mr Mayes Yes, wechikwata cheZimbabwe Cultural Flames anoti haasi kudzokera kumashure zvichitevera kuburitsa kwaakaita dambarefu idzva nekamwe kambo nguva pfupi yadarika.

Akatanga zvekuimba mugore ra2012 aine chikwata cheDancing Group vachitamba dzimbo dzechinyakare.

Chinda (40) anoti aienda muzvikoro achidzidzisa vana mitambo yechinyakare zvikamupa kuhwinha mikombe yakawanda.

Akazoita zvidzidzo zveDiploma pachikoro cheSchool of Music.

“Ndakazongoenda zvangu kuchikoro chekuridza mhanzi asi ndaiva ndagara ndichiridza mbira dzemhando inonzi nyunga nyunga uyewo dzinza rangu kwandinobva kuNyanga kuHonde Valley tose tinoridza mhanzi. Ini ndinogadzira ngoma rinova basa raiitwa nababa vangu vakashaika saka ndezvemumba,” anodaro Chinda.

Muimbi uyu ane dambarefu raakatsikisa nguva pfupi yadarika.

“Izvozvi ndine album idzva rinonzi Makunakuna randakaburitsa gore rino rine nziyo nomwe. Ndine zvekare rimwe rangomirira kutsikiswa rinonzi Wirirano rine nziyo nhanhatu,” anodaro Chinda.

Anoti akakura achifarira nziyo dzaLeonard Dembo makore ekuma1990 apo aiva kumusha kuHonde Valley.

“Semunhu akadzidza kumusha, ndaifarirawo zvikuru chikwata chemumhanzi chaiva kumusha kwedu chainzi Nyamukombe River Jazz Band. Ndakazobva kumusha ndava kuuya kuno kuHarare, ndakaenda kuDenmark, Mozambique nekumwe ndichimirira nyika munyaya dzemhanzi.”

Anoti baba vake, VaMark Chinda, avo vakashaika mugore ra2022, vakabereka vana gumi nevaviri vose vanoita zvemumhanzi.

“Ndakadzidza paChije Primary ndikazoendawo paSagambe Secondary apo vana vemumba medu vaiva nemukurumbira wekuimba kuchikoro nekuridza ngoma,” anodaro Chinda.

Share This:

Sponsored Links