‘Zvekushushwa handichada’

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuendeswa kudare redzimhosva neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumudzinga pamba anoti kana naiyewo ari kudzingwawo pamba apa nemukadzi uyu.

Adelene Madzinya akamhan’arira Luke Kuvheya kuHarare Civil Court achiti haachada zvekurohwa, kushungurudzwa nekudzingwa pamba. “Handichada kushungurudzwa, kurohwa kana kudzingwa pamba,” anodaro Madzinya.

Anoti Kuvheya ari kumushungurudza nekuti haachada kuti agare pamba apa uye anomutuka nekugara achimutyisidzira.

“Ari kundishungurudza nekuti haachade kuti ndigare pamba.

‘‘Kana zvake zvakakwidza anondituka kuti benzi pakazara vanhu kana kundityisidzira kuri kuda kuti ndibve pamba pangu,” anodaro.

Kuvheya anoti zviri kutaurwa ndezvekunyepa.

“Zvose zvaataura ndezvekunyepa, haasisiri mudzimai wangu saka handina kana pandinonetsana naye,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Madzinya ndiye ari kumudzinga pamba zvekuti ari kutodawo gwaro redziviriro.

“Ndingamudzinge pamba paari kundidzinga iye here?

‘‘Hazviite, ndiri kutodawo kugara pamba pangu zvekuti ndiri kutodawo rangu gwaro redziviriro,” anodaro Kuvheya.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Madzinya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>