‘Zvihuta zvine mari’

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Zvihuta zvine mari’

Kwayedza

KAMBANI yakazvimirira yeRoad-A-Rama iri kukurudzira vechidiki kuita mabhindauko ekupfuya zvihuta nezvimwewo zvipfuyo zvidiki nechinangwa chekuti vawane raramo.

Operations manager wekambani iyi, VaSteve Matanga, vanoti vanoita mabasa anosanganisira kuchechenyesa mazai ezvihuta, ehuku, ehanga, matoki nemadhakisi. Vanogadzira zvakare michina yekuchechenyesa mazai aya.

“Kambani yedu iri kukurudzira kupfuyiwa kwehuku, matoki, hanga, madhakisi pamwe chete nezvihuta.

‘‘Tinodzidzisa varimi kuti zvipfuyo zvese zvine mazai atinochechenyesa zvinochengetwa sei,” vanodaro.

VaMatanga vanoti vanotengesawo nhiyo dzemhando dzose dzehuku dzechivanhu.

“Kukambani kwedu tinochechenyesa huku dzechibhoyi chaidzo kwete dzimwe dziri kubva kune dzimwe nyika dzinenge dzakavandudzwa kuti dzikasire kukura.

‘‘Michina yatinogadzira yekuchechenyesa mazai inokwanisa kuchechenya mazai ehuku kutangira pa288 kamwe chete kuchiti ezvihuta 1 030 kamwe chete.

“Mazai ezvihuta anochechenya kwapera mazuva 16 kusvika pa18, kuchiti ehuku kwapera mazuva 21, hanga matoki nemadhakisi mazai acho anochechenywa kwapera mazuva 28 kusvika 30,” vanodaro.

Vanoti mazai ezvihuta muongororo yakaitwa muZimbabwe nekune dzimwe nyika anonzi akaonekwa kuti anobatsira mukurapa zvirwere zvakasiyana.

Vanotizve chihuta chinotanga kukandira chave nemavhiki matanhatu chachechenywa uye chinokandira zai rimwe chete pazuva. Chihuta chinogona kukandira mazai anosvika 290 kana 300 pagore.

VaMatanga vanoti zvihuta ishiri dzisinganyanyobatwa nezvirwere zvekuti munhu anozvichengeta haana basa rakanyanya nekuda kutsvaga mushonga wekuzvirapa.

Zvihuta zvinodya chikafu chakaita semhunga, rukweza, mapfunde, maringazuva nechibage chakadzvurwa kana kugaiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>