Zvingaitwa kusimudzira kurimwa kwefodya

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Zvingaitwa kusimudzira kurimwa kwefodya Zvakakosha kuti pave nemitengo yefodya yakanaka inoita kuti varimi vaite makwikwi mukutengesa kumisika.

Kwayedza

Varimisi vefodya vemakondirakiti vakatsigira chirongwa ichi ne$70 miriyoni

Zimbabwe yakapfurikidza huwandu hwefodya yayakarima mumwaka wa2019 apo yakabura 259 miriyoni kgs kana zvichienzaniswa ne253 miriyoni kgs akaburwa muna2018.

Magwaro anotaridza budiriro muchirimwa ichi akabva kusangano reTobacco Industry and Marketing Board. Zvisinei nekuti zvirimwa izvi zvakarimwa munguva yekunetsa kwemvura yemudenga, zvizhinji zvacho zvatova padyo kukohwewa.

Bepanhau reThe Herald svondo rino rakakurukura naTaurai Saul Jemedze (TJ) anova operations manager weEthical Leaf Tobacco (ELT).

***

TH:  Tipeiwo maonero enyu maringe nechimiro chefodya panguva ino?

TJ: Mwaka uno tiri kutarisira fodya yakawanda uye kuderera kwemitengo kunorwadza varimi zvikuru sei kana vachinge vashandisa zvinhu zvakawanda mukurima.

TH: Vemakambani vari kuita chii takatarisa matambudziko akakomberedza indasitiri yefodya?

TJ:  Chakakosha kumurimi wefodya huwandu uye hunaku hwegoho rake kuitira kuti fodya iyoyo inge ichifarirwa kumisika yemuno neyekunze.

Chinangwa chedu ndechekuona kuti goho rabuda rakanaka kuburikidza nekugona kubata mwaka wekurima.

Tine vashandi vanosvika 565 vakafundira basa avo vari kubatsirana nevarimi mukurimwa kwefodya saka hatitarisiri varimi kuti vawanikwe vachirasikirwa. Zimbabwe inokwikwidzana nedzimwe nyika dzakadai USA neBrazil mukutengesa fodya pasi rose.

TH: Varimi vari kuchema nemitengo yezvekushandisa mukurima munoti kudii nazvo?

TJ:  Zvakakosha kuti pave nemitengo yefodya yakanaka inoita kuti varimi vaite makwikwi mukutengesa kumisika.  Kurimwa kwefodya kunoita kuti varimi vawanikwe vachibudisa mari yakawanda yekunze apo vanotenga zvekushandisa zvakadai semishonga, fetiraiza, mbeu, matarakita nezvimwe nokudaro varimi vanotarisirawo kuti vakwanise kudzora mari dzavo apo vanotengesa fodya yavo kumisika. Zvisinei, kusvika parizvino takakwanisa kurerutsira varimi kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa zvinokosha Z$68 miriyoni asi zvakakosha kuti varimi vadzore zvikweretri pavanotengesa fodya yavo.

TH: Varimi vari kuchema nemauyiro ari kuita mari dzavo uye nguva yavanopedza vachitengesa fodya kumisika, munoti kudii nazvo?

TJ: Ichokwadi varimi vari kuramba vachisangana nematambudziko ekunonoka kubhadharwa pavanotengesa fodya yavo saka tiri kushanda nemasangano akasiyana kuti matambudziko aya ange achigadziriswa nenguva. Tinokurudzira varimi kuti vavhure maakaundi kumabhengi kuti zvive nyore. Tinokurudzira zvekare kuti vange vachibhuka fodya yavo vasati vaiunza kumisika kuitira kuti vasazononetswe pavanouya kumisika.

TH: Kune vari kutengesa fodya nerweseri vari muchirongwa chemakondirakiti, munoti zvinopedzwa sei?

TJ:  Kana varimi vakange vachiita katsika kekutengesa fodya yavo kumakoronyera nerweseri rinova dambudziko guru nekuti vanenge vakavapa makondirakiti vanopedzisira varasikirwa nechirimwa chavo saka panenge pasisina chivimbo nemurimi.

Donzvo redu kupa ‘Rukudzo Kumurimi’ nekuona kuti vaunza fodya yemhando yepamusoro kumisika ivowo vachiwanawo mari dzavo nenguva.

TH: Nderupi ruzivo rutsva rwamuri kuunza mubhizimusi refodya kuti rivandudzike?

TJ:  Tava kukwanisa kuronda nhamba yemurimi wefodya (tracking system) nekuona huhwandu hwefodya yaanenge  aunza kumisika kuzotengesa. Zvizhinji tava kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino pasina zviya zvekunyora pamapepa. Tava kuita ongororo nekuona kuti varimi vedu varima fodya yavo nenzira isingasvibisi nharaunda kusvika pachidanho chekuipisa senzira yekuderedza nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

TH: Chii chakamutsa nyaya dzekurwisana pakati pemakambani ari munyaya dzekurimwa kwefodya mwaka wadarika?

TJ: Tine hurombo nezvakaitika nokuti aive mafungiro akasiyana ayo akakonzerwa nemakwikwi anowanikwa mumabhizimusi ese. Takaita zvirongwa zvekusimudzira varimi vadiki, vanowanisa zvekushandisa mukurima, makambani anotitsigira nemari pakati pevamwe kuti vave nemushandirapamwe.

TH: Mwaka unotevera wakamira sei takatarisa nyaya dzebudiriro?

TJ: Zvisinei nekuderera kwembeu, varimi vakadyara mbesa dzavo zvakanaka uye mvura yakanaya mumatunhu ese izvo zvakaita kuti chirimwa chefodya chiwanikwe chichibudirira.

Share This:

Sponsored Links