‘Zvino ndonwira doro kupiko nhai?’

03 Aug, 2023 - 20:08 0 Views
‘Zvino ndonwira doro kupiko nhai?’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME anogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, achema-chema mudare redzimhosva achiti haachaziva kuti onwira kupi doro sezvo mudzimai wake ari kuti haafanire kusvika pedyo naye asi vachinwira pabhawa rimwe chete.

Pauline Padiwa akaendesa Panganai Jekeseni kuHarare Civil Court achiti ari kumurova nekumutuka nekudaro haadi kuti asvike pedyo naye kunyangwe vachigara munharaunda imwe chete.

Asi Jekeseni anopikisa kuti Padiwa apihwe gwaro redziviriro achiti vane nyaya dziri mumaokao avanatete vavo dzisati dzapera kugadziriswa zvisinei nekuti anobvuma kuti anomurova nekumutuka.

“Handipikise zvaari kutaura asi Padiwa achiri mudzimai wangu. Tine makore mashanu tisingagare tose nokuti ndinogara kuSouth Africa naizvozvo tine nyaya dzandiri kuda kuti dzigadziriswe nanatete dzichiri mudariro,” anodaro Jekeseni.

Asi Padiwa anoti haadi kuti Jekiseni asvike pedyo naye.

“Tine vana vatatu, kana achida kuona vana anotuma mwana wake mukuru wandakasvika ainaye. Mwana uyu ndakamurera kubvira achiri mudiki naizvozvo ndiye wandinobvumira kuti auye kuzotora vana chete. Hongu, mashopu atinotenga mamwe chete asi ndinokumbira asasvike pedyo neni nekuti anondirova,” anodaro.

Jekeseni anobvunzawo kuti paizoitwa sei sezvo bhawa raanonwira doro riri iro rinonwirawo mudzimai uyu.

“Ndochinja bhawa here nekuti ndiyo nzvimbo yandinonwira, mudzimai wangu ndimo maanopinda zvakare? Ini handina kumwe kwekunwira saka ndoitawo sei?” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Padiwa gwaro redziviriro ndokuti Jekiseni anofanira kusiyana nezvinhu zvisinei naye uye kana akasangana naPadiwa mubhawa ngaarege kumushungurudza.

Share This:

Sponsored Links