Kwayedza
naMuchaneta Chimuka
HOVE dzakaomeswa, idzo dzinodaidzwa kuti bakayawo, dzinonaka zvakanyanya uye tinowana mapuroteni neIron zvakawanda izvo zvinobatsira mukudzivirira zvirwere.
Rosemary Gavakava wekuZhombe anotitsanangurira mamwe mabikirwo ehove idzi.
Zvinodiwa:
Hove dzakaomesa, hadyana kana pani, mafuta, munyu, hanyanisi nemadomasi.
Mabikiro:
Fashaidza mvura pamoto.
Isa hove dzako mudhishi wodzidira mvura inopisa.
Siya dzirimo kwemaminitsi 30 wodzigeza.
Izvi zvinoitirwa kuti dzibve munyu wakashandiswa mukudziomesa.
Isa mafuta mupani wokanga hanyanisi nemadomasi.
Kana zvaita muto wakakora nyurura hove dziya ukande imomo.
Siya dzikwate asi usapindura-pindura nokuti dzinodambuka.
Hove dzemhando iyi kana dzaibva dzinoonekwa nekupfava.
Wozodii?
Kana dzaibva, chibura udye nehama neshamwari.
Hove dzinodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde, jena, nemupunga kana kuti dzakadaro.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhare dzinoti + 263 773 394 753 kana +263 713 411 281