Kwayedza
Muchaneta Chimuka
MATEMBA ane dovi anonaka zvikuru uye tinowana iron, maminerals nemapuroteni izvo zvinokosha kuutano kubva mukudya uku.
Zvinodiwa:
Matemba akaomeswa, munyu, mafuta, dovi, hanyanisi, madomasi, chikari kana poto
Mabikiro:
Fashaidza makomichi maviri emvura.
Nyika komichi imwe yematemba kuti apfave.
Ageze worasa mvura yacho kusvika achena.
Wozodii?
Isa chidumbu chechipunu chemafuta mupani.
Sanganisa hanyanisi dzawacheka ukange, wozokanda madomasi akachekwa zvekare.
Kana zvaita muto wakakora, chikanda matemba ako wochipindura zvine hunyanzvi kuti asadimbuke-dimbuke.
Tora mvura shoma inotonhora wokurungira dovi.
Dira mumatemba ako wosiya zvichikwata.
Kanda munyu wakaringana wosandura kusvika zvaibva, unoona nemuto wakakora uye wakatsvukira.
Kana zvadai, chibura udye nemhuri. Unogona kudya nesadza, mupunga kana nechingwa, aiwa isarudzo yako.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281