Amai ndakanaka amai!

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Amai ndakanaka amai!

Kwayedza

PWERE dzine mutambo wadzinoita vakaita denderedzwa. Anenge ari mukati anenge achiimba achiti:
Amai ndakanaka, amai!
Amai ndakanaka, amai!Dzimwe pwere dzinenge dzichibvumira dzichiti, “Amai”! Nokune rumwe rutivi ari mudariro anenge achizvipena, nokutamba kunge ndiye ega pasi pano. Dzimwe dzenguva pamunenge muchiti kutamba, munenge musingazivi kuti ndipo panodyarwa mweya wokuzvida nokuzvikudza unoita kuti mwana atoudza nokumanikidza amai vakamuzvara kuti “akanaka”. Ndiwo mweya mumwe chete watiri kuona mune nhengo dzakashaya zvigaro muZanu-PF pamusangano womunaZvita, vanosanganisira vaimbove munyori mukuru wokufambiswa kwebasa muZanu-PF, Cde Didymus Mutasa. Vari kutonga vari mumapepa avanofunga kuti anoendesa zvido zvavo mberi vachiti, “Amai takanaka, amai! Amai takanaka, amai!”

Kuenda kumapepanhau, vatyei kuunganidza vanhu vavanoti ndevavo voita misangano vachiputsa zvisungo zvakamiswa muna Zvita?
Kana vakamira pahwaro hwakasimba sezvavari kutaura mumapepanhau, vari kuenderi kumatare? Kana 6th Zanu-PF National People’s Congress yakange isingaenderani nebumbiro reZanu-PF, vanodii kungodzoka kuvanhu nokuti dare haringatonge mhosva yezvinhu zvavanoti hazvipo. Vakatorerwa zvigaro ivo vari kupi? Zvinhu zvakakanganisika ivo vari kupi kana ivo vaive mukuru anoona kufambiswa kwamabasa omusangano? Nhasi uno VaMutasa vanoti nhengo dzeZanu-PF vatsigiri vaCde Joice Teurai Ropa Mujuru. Ipapa ndipo pane nyaya. Rine manyanga razotukunyudza mumushunje!

Zvoreva izvo kuti dai vanhu vese vakange vakamira pachokwadi chomusangano wavakapinda vega, Cde Mujuru havaimboti vanhu ndevavo. Zvatove kutsigira pfungwa yakagara yabuda muvanhu yokuti vanhu ava, vanhu vakange vakahwanda nezita rokuti Zanu-PF asi kaitiro kavo kakarasa gwara reZanu-PF. Chokwadi chinorwadza, asi ndizvo zvazviri!

Icho chinozombopa munhu hunhu hwokushambadza pfungwa dzake mumapepanhau aimbomunyomba chii? Nhasi masorana usahwira papiko neNewsDay neDaily News nhai Cde Mutasa naCde Mujuru?

Cde Mutasa, mapepanhau aya akakusakadzai mugore ra2013 mushure mokunge mwana anonzi Christpowers Maisiri atsvira mumba. Vakakusvitsai kutsime kunge vaitokambena kuti musawane chigaro chomuCentral Committee kudunhu rokwaMakoni. Mairamba zvese zvaitaurwa nababa naamai Maisiri nevatsigiri veMDC-T, bato reZanu-PF rikamira nemi nokuti dai vakange vachifunga kuti ndezvechokwadi, dai vakatoti vauwana mukana wokuti mubve pachigaro. Tinozviziva kuti kana munhu aita moyo unenge waMambo Ndyire wokuti “gombo iri ndarida, ndinotoririma chete”, anotsvaga mhindu dzese pasi pezuva kuti aririme, kunyange rakagohwa.

Ikodzero yenyu pasi pebumbiro reZimbabwe, kodzero yamakabatsira kurwira. Asi chinonetsa pasungano dzakadai idzi ndechokuti dzinozopa vanaMukwende pfungwa yokuti vanhu ava ngavanokorwe tsoka, vaonekwe kuti kufamba kwavakaita neChimurenga paripo here pasina chiedza.
Ko inga michina nokufambisa mashoko kwamazuvano – Internet, Facebook, Twitter, WhatsApp – zvatekeshera zvokuti kana vaverengi navatapi venhau ndokwavave kumhanyira kutsvaga kuti nhingi ari kuti chii paFacebook pake, kana kuti anyora kuti chii paInternet blog pake? Asi tave kuzviona kuti usahwira hunokunda ukama, saka toona kunowira tsvimbo nedohwe. Nokuti Cde Mutasa vari kuti “hatiende, ndezvedu izvi!” Savana vari mumutambo vari kuti kuZimbabwe, “Amai takanaka, amai!”

Vamwe panhepfenyuro dzakaita seStudio 7 hamubvepo. Munoda kupa pfungwa yokuti imimi chete ndimi maiita zvinhu zvegutsaruzhinji, kwete vamwe? Kana mave kunzi magara muchidya namapato anopikisa moti mavara azarevhu. Zvave pachena! Kana iwo mapepanhau ari kupembera, ngaazive kuti vari kupururudza vachiti mudzimu wauya mumusha, vasingazive kuti mudzimu wakaberekana nengozi, nokuti hazvina muswere. Musi wavanoburana, vanotuta twavo voenda kune vamwe zvakare. Musi wavanotanga kukuburitsirai makobvu namatete seavakaburitsa panyaya yaMaisiri, munoita chitsoka ndibereke!

Ko nguva ndeyomunhu here, handiti ndeyaMwari? Mapato eMDC vakambofunga kuti vave napo pokubvisa Zanu-PF pachigaro, asi nhasi zviri kupi? Kana nemi tichakubvunzai mave kudzoka nokuti takabva neko, kumhunga hakuna ipwa.
Asi, ipai vanhu mukana wokurimawo upfumi hwavo sezvamakaita. Musahwanda navo nokuti handiyo nyaya bedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>