Chengetedzai tsika nehunhu

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Chengetedzai tsika nehunhu

Kwayedza

KUVA nehunhu pamwe netsika dzakanaka zvinhu zvakagara zvichikurudzirwa nekurumbidzwa.

Asi mazuva ano kune vamwe vanhu vari kurasa hunhu, vechidiki zvose nevechikuru. Chinorwadza ndechekuti kana vechikuru vakange vorasa hunhu, ndiani acharatidza vechidiki gwara rakanaka?

Hongu, pasi rarohwa nenyundo, asika zvakakosha kuchengetedza hunhu pamwe netsika dzakanaka dzemagariro evanhu vatema idzo dzakabvira pasichigare dzichitevedzwa.

Tinodaro nekuti tsika idzi ndidzo dzinoumba hunhu hwakanaka.

Naizvozvo tinogamuchira nemawoko maviri kuparurwa kwakaitwa chirongwa chekuratidzira tsika nemagariro evanhu, cheCulture Week, svondo rapera pachikoro cheNyava Secondary School chiri kwaMusana, kuBindura.

Pazuva iri, zvikoro zvakakwikwidza mumitambo yepasichigare uye pairatidzirwa kudya kwakasiyana kwechivanhu sesadza rezviyo neremhunga izvo zvinonzi zvinosimudzira utano.

Semaonero edu, zviitiko zvakadai zvinofanira kuramba zviri chikamu cheupenyu hwevanhu zvisangove zvevhiki rimwe chete. Ngazvisusukidzwe mberi! Chimwe chinofadza pachiitiko ichi ndechekuti vana vechikoro ndivo vaitungamira mumitambo yetsika nemagariro iyi.

Izvi zvakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti vechidiki vakure vachirovedzerwa kutsika nehunhu hunoyemurika.

Tinowirirana zvikuru nemashoko akataurwa negurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwemaruwa nekuchengetedzwa kwetsika pachiitiko ichi, Cde Abedinico Ncube, ekuti veruzhinji vakoshese tsika nemagariro akanaka.

Tsika pamwe nehunhu hunoyemurika ndizvo zvinoumba hunhu hwemunhu.

Kune vamwe vave kutarisira tsika dzechivanhu pasi vachikudza chiRungu asi mune remangwana vanozodemba mushure mekuona kuti vanenge varasikirwa zvikuru.

Tsika nehunhu hwakanaka inhaka yemusiiranwa kubva kare-kare nekudaro zvinofanira kuchengetedzwa.

Nhasi uno kune vamwe vanhu vechikuru vari kurasa hunhu zvinokahadzisa. Hazvishamise mazuva ano kunzwa kuti mukuwasha ari kudanana naambuya kana kuti tezvara nemuroora vapengesana murudo.

Maitiro akadai aya ndiko kunonzi kurasa hunhu zvachose uye vakadai ava vanofanira kurangwa zvakasimba maringe nemitemo.

Madzishe nevamwe vatungamiriri vematunhu vane basa guru rekuchengetedza tsika nemagariro evanhu.

Tinotsigira zvakare mashoko akataurwa nemukuru wemadzishe kudunhu reMashonaland Central pakuparurwa kwechirongwa cheCulture Week – Senator Clemence Nembire – ekuti vanhu vapfeke nhumbi dzine mutsigo.

Kune vamwe vave kufamba vakashama zvekuti veruzhinji vanoshaya kwekutarisa.

Hongu, zvakanaka kufambirana nenguva, asi chizvino-zvino ngachirege kuodza hunhu netsika dzakanaka.

Vanhu vemunyika imwe neimwe vanozivikanwa nekuda kwetsika dzavanotevedzera uye izvi ndizvo zvinosiyanisa marudzi.

Vechikuru ngavape muenzaniso wetsika nehunhu hwakanaka kune vechidiki kuti vagoziva gwara rekutevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>