Dai ari wako wainzwa sei?

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Asi mazuva ano kune vamwe vari kudemba mushure mekunge vawana mabasa nekuda kwezvavari kusangana nazvo.MUUPENYU uye kubva kare, munhu anoti akawana basa rinomupa raramo anenge ofunga kuti Mwari kana kuti matenga amuona.

Muenzaniso ndeweimwe nyaya yatinayo svondo rino, yemukadzi wechidiki ari kugara nasekuru vake kuChitungwiza uko akambopotera, uyo anoti anoyamwiwa nekunanzvwa nenyoka.

Dambudziko rake rakatanga apo aishandira imwe mhuri yekuGweru.

Mukadzi uyu anoti paaishanda apa, akaudzwa kuti asavhure gonhi reimwe imba yepo achinzi akangoivhura chete aizosangana nazvo.

Anoti akazobatsirwa kutiza nemumwe mukomana mushure mekunge aendwa naye kune chechi yaipindwa nevaaishandira apo akanosiiwa achinzi aida kuzouraiwa.

Nyaya iyi inosuwisa zvikuru nekuti inoratidza kuti mazuva ano kune vamwe vanhu vava nehutsinye hwakadarikidza, vasina tsitsi nevana vevamwe. Svondo rapera pamberi zvakare, bepanhau reKwayedza rakaburitsa imwezve nyaya yemukadzi wekwaChihota, uyo anoti anoshinhwa naye nemupurwa, chimwezve chikara chesango.

Dumbu remukadzi uyu riri kukura sekunge ane mimba kunyangwe zvazvo akaenda kuchipatara kunoongoororwa ndokuonekwa kuti haana pamuviri. Anoti zvakare dambudziko iri rakatanga apo aishandira mumwe murume wechidiki mubhawa.

Sekutaura kwemukadzi uyu, uyo anoti akazotiza basa racho, chaimushamisa ndechekuti kana muridzi webhawa raaishandira akasatora mari yaainge atengesa doro, mangwana acho yaifuma yawanda kakapetwa kana kaviri. Zviri pachena kuti apa pane kushandiswa kwemishonga yekuromba kuita bhizimisi nekuti hazviite kuti $100 ikasiiwa yakadaro mangwana yofuma yawanda yave $200. Chinorwadza panyaya mbiri idzi ndechekuti vakadzi ava vakasangana nematambudziko ave kuvashaisa hope aya vari pabasa. Zvichireva kuti nhasi uno vari kukungura kuti kudai vasina zvavo kumbobvira vakamboshandira vanhu ava.

Asi munhu unenge wazivei? Unenge uchiti uwanewo chinokuraramisa usingazive kuti wawira mukanwa meshumba.

Ivo vanamuzvinhabhizimisi vanoshandisira vana vevamwe mishonga yakaipa kudai havanawo here moyo wekubereka?

Ko kana mwana wako akashandiswa nenzira dzakadai, zvinokufadza here? Uhu ndiwo hutsinye hwekupezisira uye hazvina kumbosiyana nekuponda. Chokwadi munhu ungasvike pakuda mari zvakadaro, uchitambudza vana vevamwe? Chisingazivikanwe nevamwe ndechekuti pfuma inowanikwa kuburikidza nekuromba mangwana inofuma yokuzvimbira.

Nhasi uno kune vamwe vari kuchema nekuda kwemabasa avakazviparira mushure mekuromba mishonga yakaipa.

Zvakakosha kuziva kuti pfuma inofanira kubva padikita kwete kuuya nyore kana nemamini-mini.

Hazvina kunaka kutora mishonga inotambudza pamwe nekuzopedza mhuri nenyaya yekuda mari chete.

Iva nemoyo wekubereka. Wako mwana akaitwa izvozvo unonzwa sei?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>