IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kudya nebhizinesi rechiporofita

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kudya nebhizinesi rechiporofita

Kwayedza

Ignatius Mabasa
HANDISI kuziva kuti chawanda maporofita here kana kuti inyoka. Asi nyaya dzandiri kuverenga dzemaporofita ane chekuita nenyoka, kana kuti anenge achinzi akabata nyoka dzawandisa. Nyoka idzodzi inyoka dzaani chaizvo? Tinozviziva kuti musango mune nyoka dzakawanda, asi ini ndiri kuona kuti kana nemunyika tave nenyoka dzakawandawo futi. Nyoka dzevanhu dzakangwarisa.

Zvakarewo tave nenyoka dzisisiri nyoka, asi dzave kuita sezvinhu zvekutambisa. Nyoka idzodzo hadzitize. Nyoka dzinongobatwa kunge mazongororo. Kana mukabvunza vanonzwisisa zvinhu zvemweya, vanokuudzai kuti panyika pano tiri kurwa nematricks aSatani. Mweya yetsvina haingobatwa nemawoko sezvinoitwa huku yebhuroira yamusingatandanise.

Nyaya dzekungobvuma kuti kune maporofita anobvisa zvinhu idzi mudzingwarire. Ndakanzwa kuti kune mumwe muporofita akabvisa vhiri regejo pamuviri wemunhu. Zvimwe zvinhu zvinongodawo kuti iwe uri kuzviona ungofunga zvishoma.

Inga wani mumwe muporofita akataurwa neH-Metro kuti ave nenguva refu achingobata nekubvisa nyoka imwe chete kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Nyoka yaakabvisa kuDande, yakanga yakafanana neyaakabvisa kuDomboshawa. Ndiyo zvakare nyoka yaakabvisa pamba pevamwe amai kuChiredzi.

Mutori wenhau weH-Metro akagona basa zvikuru, achibva abvunza mupositori uyu kuti sei nyoka dzaanobata dzingori mhando imwe chete. Mupositori akatsamwa achipomera mutori wenhau mhosva yekuda “kumuurayira basa.”

Kana muBhaibheri varimo vanhu vaidya nemweya yetsvina ichivaporofitira. Asi Paul naSilas pavakazodzinga chiporofita chemweya wetsvina waiporofita uyu, vaishandirwa nemusikana iyeye vakasungisa vanhu vaMwari nekuti vakanga vaurayirwa bhizinesi ravo.

Saka sekutaura kwemupositori wekungoramba achibata nyoka yakafanana kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaanenge aenda kunobvisa “zvikwambo nezvidhoma,” nyaya iripo ndeyekugadzira mari. Hapana kushandira Mwari apa, asi kuti ari pabasa, uye kana pakaita vanoda kunzwisisa mushandiro wake, anobva avaona semhandu dzave kuda kumutadzisa kuwana mari yemarema.

Zvakangofanana nemaporofita akabuda muKwayedza svondo rakapera. Sekutaura kwavo, vanhu ava vanoti vakabata kamba nenyoka pamusha weimwe mhuri. Vakazoudza mhuri iyi kuti nyoka nekamba iyi zvaida kuparadzwa zvichipiswa pamwe chete ne$400. Hameno kubako kwavanonzi vakaenda kunopisira zvinhu izvi pamwe chete ne$400.

Asi vemhuri iyi pavakabvunzwa vakati vakangoita zvekunzwa kuti zvinhu zvakabatwa zvakapiswa pamwe chete ne$400. Ko kupisa zvinhu kunozonzi ngakuitwe mubako kuti zviite sei? Mubako mune rima. Ini handizvibvume izvozvo nekuti nyaya dzemaporofita ari kubatwa aine nyoka, mazizi, kamba nezvimwe zvinhu zvinotyisa dzawanda.

Ini chandinoziva ndechekuti kubvisa kwakaoma kudarika kuisa. Unogona kuda kubvisa zvausingazive, zvinotyisa, zvine midzi nezvimbi, zvine mhiko uye zvine nharo. Unogona kuziva kuti vanhu kana vaomerwa vanongobvuma zvese zvese. Unogona kunge uchiziva kuti vanhu vatema havabvume kuti zvinhu zvinongoitika pasina chikonzero.

Saka iwe unobva waenda kuti unopa tsananguro dzinotyisa. Kana wadaro wobva watsvaga zvinhu zvako zvinotyisa zvekuenda kunoisa pamba dzevanhu vauri kushandira. Saka kuti zvireruke, vanhu venyu vamunoti maporofita ava vanoita kunge vakubvisirai zvinhu zvanga zvichikunetsai, asi zvinhu zvacho zviri zvinhu zvavo. Imi munosara muchivataura nekuvapa mbiri yekubata zvikwambo, zvidhoma nezvimwe zvinhu zvinotyisa, asi mabatwa kumeso.

Bhaibheri roti, “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri hama dzangu, kuti mucherechedze avo vanopesanisa, nevanogumbutsa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imi; muvanzvenge. Nekuti vakadaro havashandire Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo . . . nemashoko avo anobata kumeso.”

 

Share This:

Sponsored Links