Inwai tii yandaisa sauti

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views
Inwai tii yandaisa sauti

Kwayedza

Ignatius Mabasa
ICHOKWADI kuti hatigone kuchinja nyika, nekuti yakakurisa zvisingaite. Hatigone kuti zvatinoda zviitike nguva dzose, asi hupenyu hwedu ipenzura yakaiswa panyika naMwari. Kana tichirarama sezvatiri kuita izvozvi, tiri kunyora mubhuku renyika nehupenyu hwedu.

Tiri kunyora zvinhu zvakawandisa. Tiri kunyora makuhwa, ruvengo, manyemwe, kunyepa, kunyengedza, hutsinye nezvimwe zvakawanda. Tiri kunyora zvinogona kubatsira kana kuparadza vamwe vanhu.

Kana uchinyora nechinyoreso chekudada, chinyoreso chako chinenge chichirutsa ingi ichibva yadzima zvauri kunyora. Ingi yekuzvida nekuzvikudza inoita kuti uzvitengere kofini, ugozvibata mawoko nekuzviviga.

Nyika yakakurisa zvechokwadi, zvekuti hatigone kuti tikashevedzera tiri mukona yedu, nyika yose itinzwe. Asi tikashevedzera tiri mukona yenyika yedu, vari patiri vanogona kunzwa, vakashevedzerawo kune vamwe vari mune dzimwe kona, izwi redu rikakura nekukora semuto wemazondo.

Ichokwadi kuti hatigone kusandura nyika, asi isu tinogona kusanduka, kuti nyika igochinjawo.

Ndiri kutsvaga tsono neshinda zvakasimba. Ndiri kuda kusona hunhu hwedu hwave kuburitsa mamvemve akamonana anenge zvidonje zvagarisa zviri mukati mepiro. Kana iwe uchisoneka, soneka shamwari.

Ndiri kutya kuti kana tikasachinja hunhu hwedu, mangwana tichafuma tisisina nyika. Pakati pedu pane vari kukorokoza mweya yevapenyu, vachifurasha mutoireti hunhu hunoita kuti munhu ave munhu.

Dai zvaibvira ndaidawo kuti hwindi ambochinjana hupenyu nedoor rekombi, ambonzwawo kurwadza kunoita kuvhurwa nekuvharwa, kuroverwa nekurohwa-rohwa. Shungu dzangu dziri pakuti dhiraivha wekombi ambochinjanawo hupenyu nekombi yaanodhiraivha. Dhiraivha ambonzwawo zvazvinoita kugarwa nedhimoni rekuonererwa, kushaya hunhu nehan’ya.

Kana kuti dai rimwe zuva dhiraivha nahwindi vaimboitawo mapurisa. Kuvaona vachitarisa kuti mapurisa ari kudhiraivha kombi achamira here kana achinge amiswa, kana kuti achaedza kuvatsika achivatiza. Ko iwo mutemo wakaipa here? Kana wakaipa, ko sei Mwari vakatipa mitemo yekutevedzera?

Ndiri kutsvaga rusero rwakakura ndiise nyika hama dzangu. Ndiri kuda kupepeta marara ose, kusanganisira marara ekanzuru yeHarare nemarara echipfambi chiri kuitwa kuti vamwe vanhu vawane mabasa nepuromosheni, asi vane zvinodikanwa pamabasa iwayo vachirasirwa kunze.

Ndiri kutsvaga rusero rwakakura ndipepete madhimoni apinda muchechi ave kuverenga Bhaibheri achirimonyorotsa kuti ritaure zvemari nekuwana zvose zvinodiwa nevanhu. Zvose zvinodiwa nevanhu kusanganisira kuba nehupombwe!

Mharidzo dzinenge dzichiti “Udza Mwari zvauri kuda?” Ndiri kuda kuti mukadzi waNhingi ave mukadzi wangu. Ndiri kuda kuti vanhu vandakakwereta varege kundibvunza zvikwereti zvavo. Ndiri kuda kuti ndikapinda mubhengi pandinobudamo homwe dzangu dzinge dzazara nemari yandisina kushandira. Ndiri kuda kukohwa pandisina kurima.

Ndiri kuda kurutsa zvinonhuhwa mugondiomberera nekundipururudzira. Ndiri kuda kutonga nekutyiwa. Ndiri kuda kuti musandibvunze, nyangwe ndikakuisirai sauti mutii yenyu. Nyangwe ndikati inwai tii yandaisa sauti muchidya nezvidhinha, muchiti chingwa.

Chine simba pamusoro pechimwe chii? Gonye riri kudya mashizha emuti, kana kuti muti une mashizha ari kudyiwa negonye?  Muti unogona kurarama pasina gonye, asi gonye harigone kurarama pasina muti, nekuti rinorarama nekudya mashizha emuti. Kana nehuswawo hunorarama kana pasina mombe nenyati dzinodya huswa, asi mombe nenyati hazvirarame pasina huswa.

Kana ukafarisa zvekurova Mwari chibhakera, uchenjere kuti unogona kuzotsvaga makumbo auri kufamba nawo uchiashaya.

Zuva rakasikirwa kupenya, newe munhu wakasikwa une hunhu. Itya Mwari. Ukarasa mvura ndipo pauchaona kukosha kwechikorobho!

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>