Kugara nenyoka kutyora mutemo

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views
Kugara nenyoka kutyora mutemo Nyoka yendara

Kwayedza

NYIKA ipi zvayo, kusanganisira Zimbabwe, ine mitemo inofanira kutevedzwa uye vose vanotyora mitemo iyi vanofanira kunge vachirangwa zvakaringana.

Zvakare, kune mapoka akasiyana ane basa rekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa ayo anosanganisira mapurisa.

Izvi zvinoreva kuti kana vachinge vari pabasa ravo, mapurisa vanofanira kuremekedzwa. Asi kune vamwe vanopedzisira vafarisa vachitora mutemo kuisa muhomwe dzavo vachizvidza mapurisa.

Senyaya yatinayo svondo rino, yemumwe murume wekwaChihota, uyo anoita basa rekuchera nyoka achitengesa. Murume uyu anonzi akapotsa abaya mumwe mupurisa nepfumo.

Murume uyu anonzi aida kubaya mupurisa nepfumo apo akange aenda kunomusunga aine mumwe wake achipomerwa mhosva yekugara nenyoka mumba idzo anotengesera maporofita nen’anga dzenhema.

Pasi pemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwezvisikwa zvesango, hapanai munhu anofanira kuchengeta mhuka yemusango senyoka asina kupihwa mvumo neveNational Parks and Wildlife Management.

Musi waenda mapurisa kumba kwemurume uyu, anonzi aive nenyoka yemhando yemhungu iyo yakange yakamirira kunotengeswa.

Pane kuti arege mapurisa achiita basa rawo, murume uyu akazvidza mutemo apo akapotsa abaya mupurisa nepfumo.

Maitiro akadai anoratidza kufarisa pamwe nekusaziva mutemo kwakadarikidza.

Tinodaro nekuti murume uyu aifanira kurega mapurisa oita basa ravo kwete kuzvisikira moto muziso kwaakaita uku nekuti mhosva hairove.

Tine idi rekuti mapurisa havazi kuzoregera murume uyu akadaro nekuti anopedzisira ozvitutumadza achiti hapana zvaakaitwa mushure mekunge aisa upenyu hwemupurisa uyu panjodzi.

Mutemo unofanira kuita basa rawo kuitira kuti vamwe vadzidze kuti mapurisa kana ari pabasa anofanira kuremekedzwa.

Mumwe murume zvakare wemudunhu rimwe chete iri, Grey Mupinganjira, gore rapera akabatwa aine nyoka nemapurisa emuHarare.

Mupinganjira akazomiswa mudare redzimhosva ndokubhadhariswa faindi yekuwanikwa aine nyoka pasina mvumo yevebazi reNational Parks and Wildlife Management.

Pamusoro pezvo, nyoka dziri kucherwa idzi dzinonzi dzinotengeserwa vanatsikamutanda avo vanove n’anga nemaporofita, vazhinji vacho vanove venhema.

Vanatsikamutanda ava vanozotora nyoka idzi vonodzikanda muchivande munzvimbo dzavanenge vachishandira vanhu vane matambudziko akasiyana vonyepa kuti ndidzo dzinenge dzichikonzera kuti vanhu ava vatambure muupenyu hwavo.

Nhasi uno kune mhuri dzakawanda dzakapesana nekuda kwavanatsikamutanda ava mushure mekunge vanyepera kubvisa dzingava nyoka kana zvikwambo izvo zvavanenge vaisa ivo.

Hongu, munhu anokwanisa kuita mabhindauko akasiyana muupenyu nedonzvo rekutsvaga raramo asi iri rekuchera nyoka nekutengesa kwete.

Nhubu dzakadai ngadzirangwe zviri maringe nemutemo.

Share This:

Sponsored Links