Kwayedza: Anoti pwe-e ndiani?

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kwayedza: Anoti pwe-e ndiani?

Kwayedza

BEPANHAU reKwayedza ndiro riri pamusoro pamapepanhau ose gumi ayo anobuda kamwe chete pasvondo pakupakura nyaya dzinoitika kumatunhu akasiyana enyika, izvo zvinoita kuti ridiwe nekufarirwa zvikuru nechikamu che67% chevaverengi.

Izvi zvakaburitswa netsvakiridzo yakaitwa nesangano rakazvimirira, reZimbabwe All Media and Products Survey (ZAMPS 2014 First Half Results), svondo rapera.

Tsvakiridzo iyi inoratidza kuti pakuverengwa kwenyaya dzinoitika mumatunhu enyika, Kwayedza inoteverwa neB-Metro iyo ine chikamu chevaverengi che63%, Manica Post 62%, The Zimbabwean 60%, Daily News on Sunday 58% neZimbabwe Independent iyo ine 56%.

Tsvakiridzo iyi inoratidza zvakare kuti Kwayedza rimwe remapepanhu ari kunyanya kufarirwa nevaverengi munyika yose sezvo riri pachidanho chechitatu pamapepanhau ose gumi anobuda pasvondo aya, ndokunge zvotariswa nyaya yezvose zvinobuda mumapepanhau aya.

ZAMPS inoti munyika yose, Kwayedza inoverengwa nechikamu chevanhu vanosvika 4 percent apo The Sunday Mail, rimwe remapepanhau anodhindwa nekambani yeZimpapers, riri pamusoro nechikamu che19% richiteverwa neB-Metro ine 5%.

Kwayedza inoteverwa neManica Post pamwe neSunday News, ose eZimpapers kuchiti mamwe ose onozotevera shure semuswe.

The Standard inoteverwawo neFinancial Gazette nechikamu che3%, Zimbabwe Independent 2% kwozouya Daily News on Sunday neThe Zimbabwean. Ongororo iyi inoratidza kuti Kwayedza inoverengwa nechikamu chinosvika 6% chevanhu vanogara mumaguta nemadhorobha ne3% yevari kumaruwa.

ZAMPS yakaita ongororo iyi pakati pemwedzi waChivabvu naChikumi gore rino apo yaibvunza mibvunzo yakasiyana-siyana kuvaverengi vane makore anotangira pa15 okuberekwa zvichikwira.

Vanhu vakabvunzwa muongororo iyi vaive chikamu che69% chevanogara mumadhorobha nemumugata ne31% yevari kumaruwa.

Pavanhu ava chikamu che84% chavo vakati kana vari kudzimba vanoshandisa mutaro wechiShona, 13% vakati Ndebele, chiRungu 1% ne2% yevakati vanoshandisa mimwe mitauro.

Share This:

Sponsored Links