Mai Mujuru: Vakafa havana chavakaona

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mai Mujuru: Vakafa  havana chavakaona

Kwayedza

VEDUWE-E, mari muenzi anogogodza nhasi, mangwana opfuura. Mukwende anoyambira zvakare nokuti vamwe vedu vari kuita mapete awira mumukaka nokuda kwemari yavachena, kunge vasina simba rokuzvishandira.

Takavaona pauzima musi weMuvhuro, vabvana vaaNzou, vachisvisvina chiRungu kunge masese, vana Mukwende pamwe netwushanje, tikangoti: “Yesi mhani! Amai, mwana aenda nechakapedza mbudzi!”

Hamheno kuti vakatanga kutaura nani pauviri hwavo, asi sezvo vazhinji vedu tichibata masaisai eBritish Broadcasting Corporation, kwete Deutsche Welle (kunze kwokuti waenda paInternet), takanyanyovaona panhepfenyuro yeBBC vari mugango naStephen Sackur.

Imwe interview vakazoita naTim Sebastian, aimbove mupepeti weHardtalk, akatobva kuBerlin kuvinga Mai Mujuru sezvo nyaya yavo yakanga isinei nezvezuva ramadzimai ravakange vafambira kuLondon School of Economics. Takazoona kuti nyaya yokupemberera zuva ramadzimai aive manyautsa mukanwa, nokuwana mabviro kumusha.

Nhaurwa dzese idzi dzaive nechinangwa chimwe chete: kunokora Mai Mujuru tsoka, nokuvaudza kuti nyika dzokumadokero zvavanonenedzera kuti zvinoitwa neHurumende yaPresident Mugabe, zvakaitwa, Mai Mujuru varimo muHurumende asi, vakasasimudza muromo. Saka angave nechivimbo chokuvavhotera ndiani?

Kunyange zvazvo vakanenedzerwa zvakawanda, chakashamisa ndechokuti mumakore 35 vari gurukota remapazi eHurumende akasiyana-siyana, vachizopedzisira vave mutevedzeri wemutungamiri wenyika kwamakore gumi, Mai Mujuru vakaramba varambazve kuti pamhosva dzese dzavari kunenedzerwa, ivo havana chipomerwa, uyewo zvinhu zvaiitwa navakuru vasina kusumwa.

Kana pahondo yeminda vakati vaisavamo, pari zvino vane purazi rimwe chete ravakawana senhaka, kunyange zvavo vakazombopotsa muromo vakati vakatorerwa mamwe maviri kuShamva. Imika imi!

Tinoda kuti vachena vazive kuti ndezvedambe zvamaiita muri kuLondon naMai Mujuru. Kana chokwadi chiripo ngachizivikanwe.

Mukwende akapinda mumatura akawana hurukuro yakaitwa navatapi venhau veSunday Mail naCde Joel Samuel Siyangapi Muzhamba (zita reChimurenga, Cde Joseph Khumalo).

Mai Mujuru havangambotadzi kuziva Cde Khumalo nehurukuro dzavaiita nezvekupa ivhu kuvanhu, kunyanya vari Gorvenor wedunhu reMashonaland Central.

Cde Khumalo vanoti: “Ndisati ndasiya basa rechiuto — hondo yeminda isati yatanga — ndakamboendesa matsamba okutsvaga purazi rokurima nokuitisa zvemakoparetivhi, kuna Mai Mujuru vachiri Governor.”

Pakatora nguva yakati kuti, asi vanoti vakaramba vachitevera matsamba: “Saka ndokubva ndainda ndichindoona Mai Mujuru. Vakanditi, ‘farm yes’, ndingakwanisa kukutsvagirai, but munhu wamunofanira kutanga maoonana naye, ndi(Didymus) Mutasa, nokuti ndiye akange ari chairman wemaCooperatives. Mukavanyorera tsamba sokundinyorera tsamba kwamaita, vakandipa go ahead, then ndokupai farm. Mafarm azere.”

Mai Mujuru vakatiwo: “Munoona chinhu chimwe chete chamuri kukanganwa — that’s what she said to me — imi na(General) Mujuru navamwe venyu ndechokuti icho, during the war muchitipa politics, ndimi maitipa political orientation, muchitaurira futi vanhu, muchivaudza kuti zvamuri kurwira, muri kurwira ivhu kuti ridzokere mumaoko evanhu.

“Now Cde Khumalo, imimi maakuuya muchiti maakuda land, as an individual, but makanganwa here kuti vanhu vaye vamakange muchitaurira kuti vari kuda ivhu tichidzosera kwavari, vachakamirira kuti ivo chitipai ivhu.

“Imi Cde Khumalo ndimi makanga muri vakuru vedu — imi naVaMujuru nevamwe vese ava. Ndidzo politics dzamaiuya nadzo muno muMash Central, asi nhasi mave kuuya muchiti munoda farm kuti muite cooperative. Farm ndinokwanisa kukutsvagirai, asi chifungai nenyaya idzodzo.”

Aka kakave kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi ave kuda kurambwa naMai Mujuru.

Cde Khumalo vanoti nyaya yevhu kuvanhu yakabikwa ikaibva, hondo yeminda ikatanga muna 2000, Mai Mujuru vachiratidza kuti munhu akange asina kurasika gwara. Vaiziva kuti ropa rakadeuka pahondo, inyaya yevhu.

Ko nhai vabvana vaaNzou, chanyanyopinda mamuri chave chii chasvikira kuti mave kubhadhara ivhu ramakambotora?

Kuwandirwa nemari. Purazi ramakambotora range riri rimwe re”Willing seller, willing buyer here?

Muri kutotiudza kuti National People’s Party yenyu naanaTsvangirai kana mukauwana mukana wokutonga, zvese zvakange zvakapambwa navachena munodzora.

Ibvai madzora nedzimba, migodhi, mahofisi — zvese, titange zvakare kuitwa nhapwa.

Ndinobvunzawo kuti vanachipangamazano venyu vanombori vana ani?

Dzakakwana here nokuti zvavari kukuudzai, rwendo rwuno zvakusvitsai kumagumo, nokuti muri kurasika pachena-chena, nekungoda kubvisa President Mugabe pachigaro chete? Vakafa havana chavakaona!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>