MAONERO EDU

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoshungurudza zvikuru pamwe nekunzwisa hukasha. Iyi inyaya yevashandi vekanzuru yeChitungwiza, avo vanonzi vakanokuturira tsvina yevanhu munzvimbo iri pakati pedzimba dzinogara veruzhinji.

Nyaya iyi inonzi yakaitika kuUnit O Extension apo vashandi vekanzuru iyi vakanorasira tsvina yavakange vadhirena kubva museptic tank panzvimbo inove sowe remapositori iri pakati pemusha uyu ndokusara rangove gutukutu vanhu vachinhuhwirwa.

Zvinonetsa kunzwisisa chikonzero chakaita kuti vashandi vekanzuru ava, naiyo kanzuru yacho, vatore danho rakaipa kudai.

Kunyangwe zvazvo paine mashoko anoti vashandi ava vanogona kunge vakange vatora motokari iyi zvisina mvumo yevakuru vavo vachinoita basa iri, ichi handicho chikonzero chekuti vaite zvakadai.

Panguva ino nyika yeZimbabwe yakatarisana nekurwisana nechirwere chetyphoid nechecholera icho chinokonzerwa nehuchapa, ndipo powoona vamwe vachiita hunhubu hwakadai?

Tinotenda sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), nekuchimbidza kwarakaita kunosvika panzvimbo yakaparirwa mhosva iyi vashandi vekanzuru vasati vabva.

EMA inofanirwa kurumbidzwa nekupa kwayakaita kanzuru yeChitungwiza tikiti rekuti ibhadhare $ 1 000 nekuda kwezvayakaita.

Izvo zvekuti vashandi ava vaishandisa motokari iyi zvisina mvumo hazvina basa, uye vakuru vekanzuru havana kuzvitaura. Motokari yakashandiswa mukupara mhosva iyi ndeye kanzuru saka kanzuru yeChitungwiza ndiyo yakanzwa “butter” nekubhadhariswa faindi.

Sekutaura kwevagari vekuUnit O Extension, munzvimbo mavo hamusati mave nemapombi emvura sezvo vachishandisa mvura yemumatsime.

Izvi zvinoreva kuti utano hwavo huri panjodzi huru nekuti tsvina yakakuturirwa mumusha mavo iyi imwe yacho inonzi yava kuyerera ichipinda mumatsime avanochera mvura yekunwa.

Pamusoro pezvo, ongororo yakaitwa neEMA nguva yadarika inoratidza kuti zvibhorani zvizhinji muHarare zvine mvura yakasviba, kunyangwe zvazvo veruzhinji vaine pfungwa yekuti mvura yemuchibhorani ndiyo yakachena.

Mvura yemuzvibhorani iyi — zvikuru yemumaguta pamwe nemumadhorobha — inonzi ine utachiona hunozivikanwa nekuti Escherichia coli (E-coli bacteria). Utachiona uhu hunonzi hunobva mutsvina yevanhu uye imwe mvura yemuzvibhorani izvi inonzi iri kusangana netsvina yesuweji apo inenge ichiri pasi muvhu.

Zvinorwadza kuti nemamiriro ezvinhu akadai aya, ndipo powonzwa kuti kanzuru yakanodira tsvina yevanhu munzvimbo inogara veruzhinji. Kana iko kusanyara! Makore adarika, vanhu vakawanda vakarasikirwa neupenyu kuChitungwiza nekuda kwechiwere checholera icho chinokonzerwa nehuchapa. Kunewo makambani akawanda ari kurasira mishonga yaanoshandisa mumaindasitiri munzvimbo dzakaita semunzizi izvo zviri kuisa utano hweveruzhinji panjodzi sezvo mvura iyi ichizosangana neyavanoshandisa. Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire makambani nemakanzuru akadai, avo vanosvibisa nharaunda, kuEMA kuti nhubu idzi dzirangwe. Zvimwe zvinodawo kungonyara!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>