MAONERO EDU: Mwana akaguta anoda kudzidza

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Mwana akaguta  anoda kudzidza

Kwayedza

MWAKA weZhizha uno mvura haina kunaya zvakanaka kumatunhu ane chitsama enyika ino nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze. Izvi zvaita kuti Zimbabwe itarisane nedambudziko rekushomekerwa nechikafu.

Nzara yakatarisana nenyika iyi yaona Hurumende ichiita chisungo chekuti pange pachitorwa matanho echimbi-chimbi nedonzvo rekupedza dambudziko iri sezvo kune mamwe matunhu vamwe vanhu vange vonzi vorarama nekudya michero yakasiyana.

Kuzvimwe zvikoro zvakare vana vanonzi vange vave kufenda nekuda kwenzara, kurovha kana kutorega kuenda zvachose kuchikoro zvinova zvinodzorera budiriro yedzidzo shure.

Nekudaro tinogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekutenga matani 40 000 echibage ayo achashandiswa muchirongwa chekuwanisa vana vanosvika 3,2 miriyoni, zvikuru vari kumariwa, zvekudya muzvikoro kutanga mwedzi uno.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa ichi ndechekuwanisa vana zvekudya vanobvira padanho rekireshi kusvika Grade 2.

Chirongwa ichi chinotarisirwa kupararira kumamwe magwaro epuraimari nesekondari nekufamba kwenguva rinova danho rinokudzwa zvikuru.

Vana vekireshi kusvika Grade 2 vanenge vachiri pwere nekudaro havakwanise kushingirira panyaya yenzara kana vari kuchikoro izvo zvasiyana nevemamwe magwaro ari pamusoro.

Kune vamwe vari kubva kudzimba dzavo vasina chavanenge vakanda mukanwa zvinoreva kuti havakwanise kudzidza sezvinotasirirwa nekuda kwenzara.

Mwana akange aine nzara hapana chaanokwanisa kuita, zvaanodzidziswa zvinopinda mupfungwa zvichibuda pakarepo.

Tinokurudzirawo vana vacho kuti vadzidze nesimba vabudirire muzvidzidzo zvavo nekuti kana vachinge vave kupihwa zvekudya kuchikoro hapanai chikonzero chingaita kuti vakundikane mudzidzo yavo.

Zvakadaro, hazvirevi kuti kana vana vave kupihwa zvekudya kuchikoro mubereki wochipeta mawoko.

Kwete, zvakakosha kuti mwana abve adya kumba uye zvaanozopihwa kuchikoro zvove zvekututsira pane zvaanenge ambodya.

Tinodaro nekuti dzimwe nguva chikafu chekuchikoro ichi chinenge chisingakwanirane sezvinowanikwawo panopihwa veruzhinji zvekudya.

Sekutaura kwaDr Dokora, harizi basa reHurumende chete rekuona kuti vana ava vawana zvekudya asi kuti vanamuzvinhabhizimisi vemunharaunda dzakasiyana vanokwanisawo kuita muonera pamwe sechuma chemuzukuru panyaya iyi.

Kubatana panguva yakadai kunokurudzirwa zvikuru nekuti kune simba uye kunorerutsa dambudziko sezvo rume rimwe risingakwanise kukomba churu.

Tinoda kukurudzirawo vakuru vezvikoro pamwe nevabereki kuti vaone kuti zvekudya izvi zvapihwa kuvana nekuti hazvishamise kuzonzwa kuti chimwe chechikafu ichi chave kutengeswa nerweseri.

Tinodaro nekuti nguva yadarika kwakabuda mashoko evamwe vakuru vezvikoro vari kuita huwori hwekushandisa mari dzinobhadharwa nevabereki mumabasa asinei nebudiriro yechikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>