MAONERO EDU: Mwana wose ane kodzero yedzidzo

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Mwana wose ane  kodzero yedzidzo

Kwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari svondo rapera rakazivisa pamwe nekuyambira zvikoro kuti zvirege kuitisa vana zvidzidzo zvepazororo kuitira kuti vawane nguva yekuzorora.

Mutevedzeri wegurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, vanoti kunze kwekuti vana vawane mukana wekuzorora, bazi ravo rakatorawo danho iri zvichitevera chikiribidi chave kuitwa nevamwe vararidzi chekubhadharisa mari dziri pamusoro kuti vaitise zvidzidzo zvepazororo izvi.

Semuenzaniso, vamwe vadzidzisi vekuBulawayo vanonzi vakange vatotaurira vabereki pakavharwa zvikoro svondo rapera kuti vachange vachibhadharisa $10 pazvidzidzo zveGrade 7 kusekondari vachida mari inobvira pa$30 kusvika ku$50 zvichienderana nezvidzidzo zvinenge zvichiitwa nemwana.

Sekutaura kwaProf Mavima, Hurumende iri kushushikana nekuda kwevamwe varairidzi vari kubvisisa miripo pazvidzidzo zvepazororo zvinova zvinogozhera vana vanobva kumhuri dzinoshaya.

Izvi zvinoreva kuti mwana anobva kumhuri inotambura haakwanise kuwana mukana wekudzidza pazororo sezvo vabereki vake vanenge vasina mari yekumubhadharira kuita zvidzidzo izvi.

Kazhinji zvidzidzo zvinenge zvaitwa nguva yezororo hazvidzokororwi kana zvikoro zvichinge zvavhurwa zvinoreva kuti mudzidzi anenge asina kuzviita anobva asarira shure.

Maitiro akadai aya ane rusarura nekuti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yakafanana nevamwe zvisinei kuti anobva kumhuri inowana kana kuti inoshaya.

Nekudaro tinogashira nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekumisa kuitwa kwezvidzidzo zvepazororo.

Pfungwa yekuti vana vadzidze pazororo haina kuipa asi kuti mazuva ano vadzidzisi vakawanda havazi kuitisa zvidzidzo izvi nechido chekuti vana vapase asi kuti vazviwanire mari.

Kubvira kare, zvidzidzo zvepazororo zvaiitwa, zvikuru kumagwaro anenge achinyora mazamanishoni akaita seGrade 7, O- neA-Level asi varairidzi vakange vasingatungamidze kuda mari pamberi.

Nerimwe divi, tinogamuchira zvakare kurudziro yaMambo Nyamukoho, VaSamson Katsande, vekwaMutoko, yekuti zvakakosha kuti vabereki vabhadharire vana vavo mari dzechikoro.

Mambo ava vanoti dunhu ravo rakasaririra zvikuru zvinova zvinokonzerwa nekushaya dzidzo kwevechikuru vakawanda vemunzvimbo yavo.

Vanoti havadi kuti maitiro akadai aya aenderere mberi nekudaro ishungu dzavo kuti vabereki vadzidzise vana vavo kuti vazove nepundutso mune remangwana. Mambo Nyamukoho vanoti vanobatsira zvakare vabereki vanoshaya nekuvawanisa mabasa ekuita kuti vawane mari yekubhadharira vana kuchikoro. Pfungwa pamwe nemabasa akadai zvinofanira kurumbidzwa nekuti dzidzo ndiyo nhaka yevana.

Chishuviro chedu chekuti kuwanikwe vatungamiriri vane chitsama vane mafungiro seamambo ava.

Tinodaro nekuti kana zvikadaro, Zimbabwe icharamba iri pamusoro pedzimwe nyika muAfrica pakuve nevanhu vanogona kuverenga pamwe nekunyora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>