Maonero Edu: Susukidzai rurimi rwaamai pamberi

12 Dec, 2014 - 22:12 0 Views
Maonero Edu: Susukidzai rurimi  rwaamai pamberi

Kwayedza

zimpGORE rino, pavana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), vazhinji vavo vakabudirira zvakanyanya muchidzidzo cheShona kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo. Izvi zvinorumbidzwa zvikuru.

Zimsec inoti vadzidzi 308 888 vakanyora bvunzo gore rino kana zvichienzaniswa ne299 673 vegore rapera.

Zvakabuda zvakare kuti mitauro yemuno iri pamusoro mukupaswa kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo zvakaita seMaths, English neGeneral Paper. Pavana vakanyora bvunzo dzegore rino, chikamu chavo che86,03 percent chakapasa Shona kuchiti Ndebele 77,24 percent, English 46,64 percent, Maths 52,20 percent uye General Paper 45,64%.

Zviri pachena kubva muongororo yakaitwa neZimsec iyi kuti mitauro yerurimi rwaamai, muongororo iyi Shona neNdebele, iri kupaswa zvakanyanya apo Shona iri iyo iri pamusoro ichiteverwa neNdebele. Zvinosimudzirawo zvikuru kunzwa vamwe vevana vakanyora bvunzo idzi vachiti vakabatsirikana nechikamu chemuKwayedza cheDenhe Reruzivo, izvo zvakaita kuti vabudirire mubvunzo yeShona.

Chikamu ichi chinobatsira vana nezvimwe zvavanogona kusangana nazvo mubvunzo dzeShona uye chichidzidzosa rurimi rwaamai kubva kugwaro rekutanga kusvika kudzidzo yepamusoro. Chinobata bvunzo dzeGrade 7, O neA-Level kuburikidza neongororo yemabhuku, nhetembo nezvimwe. SeKwayedza, ticharamba tichishanda nesimba nedonzvo rekusimudzira rurimi rwaamai. Budiriro yakadai inofanirwa kurumbidzwa nekuti inoenderana nezviri mubumbiro idzva remutemo wenyika, iro rinokurudzira kusimudzirwa kwemitauro yemuno.

Pasi pebumbiro iri, pane mitauro inosvika 16 iyo inoshandiswa muZimbabwe inofanira kukosheswa zvakafanana pamwe nekudzidziswa muzvikoro iyo inosanganisira Shona neNdebele.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kudada nerurimi rwaamai kwete kuda kususukidza mimwe mitauro yekunze pamberi.

Kune vamwe nhasi uno vekuti havadi kuona vana vavo vachitaura nerurimi rwaamai, ingave Shona, Ndebele kana Tonga, vachida kukoshesa zvakaita sechiRungu. Vakadai ava ndevekuti kana kudzimba dzavo havadi kushandisa rurimi rwaamai.

Asika, kana tikasadada nemutauro wedu anozoususukidza mberi ndiani? Nhasi uno kune dzimwe mhuri dzekuti kana dzikashanyira kumusha kumaruwa dzinosangana nedambudziko pakutaura nanambuya nanasekuru kana dzimwe hama nekuti havagone kutaura rurimi rwaamai sezvo vakajaira chiRungu. Vanhu vakadai vanofanirwa kunyara! Asi ndeupi muRungu wamakamboona achisadharara kudzidzisa mwana wake Shona kana Ndebele obva atungamidza mutauro iwoyo mberi kwerurimi rwake? Hongu, zvakanaka kuti vana vadzidze mimwe mitauro asi hazvireve kuti rurimi rwaamai rwunofanira kubva rwatarisirwa pasi. Ndeupi munhu mutema akamboti kana achichema pane zvinenge zvamurwadza anochema nechiRungu?

Ngatidadei nerurumi rwaamai nekuti ndirwo rwunoumba hunhu hune mutsigo matiri.

Share This:

Sponsored Links