Mimba iri kuramba kubata

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

BVUNZA KWAYEDZA naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:

Makadii sekuru? Ndiri mukadzi akaroorwa uye nemurume wangu tange takagarisana zvakanaka.

Imba tinayo zvekare tose tinoshanda tichiwana mari yandingati inotikwanira kuzvichengeta. Asi sekuru, zvose izvi zvave kushaya basa nekuda kwedambudziko rimwe chete.

Ndava nemakore 17 ndaroorwa asi mbereko hapana, zviri kunyatsoramba.

Ndinomboingwa nepfungwa yekuti mumwe musi mimba ichabata asi zvakona sekuru. Izvi zvava kutondishaisa hope uye kakutaura kuhama dzemurume wangu kanenge kave kutanga.

Murume wangu hake haana zvaanoratidza asi ndave kutya kuti achasvika pakundisiya kana kunditorera mumwe mukadzi achitsvaga mwana. Ndodii?

MHINDURO:

Muzukuru nevamwe wazukuru vane matambudziko akadai, ndoda kuti muzive zvikonzero zvinoshaisa mbereko kumadzimai.

Vaye vakamborwara nema“chronic STIs” (sexually transmitted infections), kubvisa nhumbu nejeko vanokona kuita dambudziko rembereko. Vanorota vachiita bonde nevarume kuhope, kurota vachirwara, madzimai ane zvombo zvechuru, kushinha nezvipuka zvakaita senyoka, vakasairirwa ngozi, vanorota vaine nhumbu nekubara vana kuhope dzavo varipo padambudziko iri.

Kusungwa zvinoreva kuti haufi wakaita mwana. Unogona kutoudzwa nemunhu pachena kana kuhope kuti haufe wakabata mwana wako mumawoko.

Asi vamwe vane dambudziko iri vanenge vakaitwa operation yechibereko sezvakaita mafibroids anenge akurisa, gomarara remuchibereko izvo zvinogona kutadzisa kubereka. Kunogona kunge kuine zvimwe zvikonzero zvinoshaisa mbereko.

Asi zvandadoma izvi ndizvo zvimwe zvezvinotadzisa munhukadzi kubata mimba.

Zvino kana izvi zvichiitika muupenyu hwako, mweya yakaipa iyi ngaikasike kudzingwa kubva pauri naana chiremba vanoziva zvekudzinga mweya yakaipa. Kwakuchigadzirise chibereko chacho kuti mbereko ibate wotoita mwana.

Zvakakoshawo kuti uone chiremba kana vanamukoti vari pedyo newe vakuongorore kuti chii chiri kukutadzisa kuita pamuviri. Hauna kunge wandiudza kuti wakambo ongororwa here kana kuti kwete.

 Bvunza Kwayedza panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Share This:

Sponsored Links