Mudzimai apandutswa neMbare

26 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KUNA tete
Ndiri murume ane makore 38 ekuberekwa, ndakaroora uye tine vana vatatu tichigara kumusha. Kutanga gore rapera kusvika zvino ini nemudzimai wangu hatisi kunyatsowirirana. Izvi zvakatanga apo mudzimai wangu akatanga zvekutengesa kuMbare uko kwavanoti kune dzimba dzavanenge vachigara vachiroja vachitengesa zvinhu. Kubva ipapo mudzimai wangu haasisina rukudzo neni, ndava kugara semukomana wemombe uye zvekudya ndave kuita zvekusaidzirwa.
Handichazivi kuti ndichiri baba here pamusha pangu kana kuti ndatove chimwe chinhu chisina basa. Kune varume vane vakadzi vanoshanda asi mudzimba dzavo havachakudzani here kana kuti dzimba dzavo dzave kuparara nekuti vakadzi vave kushanda? Ndibatsireiwo tete.
Herbert Kajanga.
Muzarabani.

MHINDURO:
Dambudziko rakadai rinowanikwa nevarume vazhinji, kunyanya vaya vasiri pamabasa asi madzimai avo achishanda. Madzimai akadaro anokudza mari kudarika zvimwe zvose, kusanganisira murume akamuroora.
Kune vakadzi vanopa varume vavo rudo kana vaine mari bedzi, paye pavanenge vari varombo vovabata nekunze kwemawoko.
Zvino zano randingakupa muzukuru nderekuti imbozvipawo zuva raunoti unoda kumuperekedza kuMbare kuti umbonoona mashandiro aanenge achiita, womuti uri kuitira kuti mumwe musi ungazoda kubatsirana naye. Izvi zviite wakafara kuitira kuti arege kufunga kuti une zvauri kumurongera.
Iwe uchaona nemhinduro dzake kuti zvaari kuita zvakaswatuka here kana kuti kwete. Akati hapana pekurara unomuudza kuti unotsvaga, chauri kuda kuswera naye uchiona mashandire ake, nekuti basa iri harisi remuhofisi rekuti mungarambidzwa kuswera mose.
Ukaona arambisisa chimubvunza kuti muchiri mose here, wonzwa kuti anoti chii. Kana atadza kupindura wochisvitsa nyaya yako kune vehukama vake kuti vamutsiudze, hama dzake ndidzo dzinokwanisa kumutonga.
Iwewewo muzukuru usagarire pfungwa, tsvaga zvekuita mubatsirane kuchengeta mhuri nemudzimai.
Tengesai mose muchironga pamwe chete kwete kungosara ugere kumusha mudzimai achifa oga nebasa.
Ndaona kuti unenge uri kuona kunge wasaririra zvakanyanya, pamwe mudzimai wako ava kunyatsogeza nekuti anosangana nevamwe vakasiyana-siyana, achinzwawo zvakasiyana.
Usaita godo muzukuru, kana kufungira fungira. Ita sezvandataura.
Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>