Mukaka wemukadzi waoma

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Sekuru, mukadzi wangu ane 3 weeks asununguka. Pose apa mukaka waibuda wakawanda asi pari zvino mazamu ake akaoma kuti gwa. Haachabuda kana donhwe zvaro. Chingava chii?

MHINDURO:
Muzukuru, nevamwe vose vazukuru vane matambudziko akadai, izvi zvinogona kuvepo zvakonzereswa nemhepo yekumudzimai, zvichida pane zvekumatateguru ake zvinoda kuzivikanwa zvogadziriswa. Zvichida mukadzi wako ane mudzimu uyo unoita kuti mukaenda pana chiramba anoziva basa anouita kuti utaure. Asi izvi hazviitwe newe, zvinoda hama dzake.

Zviri zvemukaka, nenguva isipi unobuda mwana otoyamwa. Asi kana uri mweya wakaipa waitise kudai, chiramba anofanire kudzinga mweya uyu. Zvikaitwa nenzira kwayo mukaka unobuda mwana oyamwa zvakanaka. Tanga waona chiremba wechirungu asi zvikaramba tsvaga muchivanhu.

Bvunza Kwayedza panhare dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>