National Pledge ngaiitwe nemitauro yose!

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
National Pledge ngaiitwe  nemitauro yose!

Kwayedza

TEMU yepiri yechikoro yatanga nemitauro — kutaura-taura kunotadzisa kuti vanhu vazive kuti shoko inhondo rinobereka.

Chii chapa kutaura kudai ivo vana vachidzokera kuchikoro, kuzvikoro kwatinoziva kuti vazhinji vari kutonobatsirwa nezvokudya pamusana pokuti munyika nedunhu rose reSadc mune nzara? Ndokusaka bazi redzidzo rakaronga kuti vana vapihwe zvokudya zvinovaka muviri muzvikoro temu ino.

Kutaura-taura kwacho kwakatanga vana vari pazororo.

Dai tiri vanhu vanonzi vari “superstitious” pachiRungu, mainzwa tave kuti china manenji hachifambisi, nokuti vanhu vachitatsurana nenyaya yokuti vana vechikoro vanzi kutanga temu ino, vose vanosungirwa kuita National Pledge, mari yakabva yatonyanya kushaikwa zvokuti vabereki vazhinji pari zvino havasati vakwanisa kubhadharira vana mari dzechikoro, kana kuvatengera mayunifomu emuchando nemabhuku.

Tose tinoidawo, saka tiri kuzviona kuti mari ishoma munyika, zvokuti mitsetse pamabhangi yatanga zvakare. Asi, tinotaura pachikuru kuti mari muenzi.

Hongu National Pledge yakaparurwa muzvikoro musi weChipiri, asiwo sezvo iri kumatare emhosva, tinongoita yokuyerura tichionesana zvishoma.

Mukwende akabvunza vana vepamwe pachikoro musi wavhurwa zvikoro kuti vaita National Pledge here, vakati, hongu.

Vakandiudzawo kuti vanezenge vachiita musi woMuvhuro neChishanu svondo roga roga, asi izvi zvinoenderana nehurongwa hwechikoro chimwe nechimwe.

Pandakavabvunza kuti iyo National Pledge vanoiti chii muchiShona, vose vakati havazivi. Mumwe mazvikokota akati muchiShona imhiko. Mumwewo akati chitsidzirano.

Duramazwi rinoti mhiko, “chitenderano chavaviri kana vakawanda.” Chitsidzirano kana chitsidzo “imhiko inoitwa yokuvimbisa chimwe chinhu – (ngatiti) kupanana chitsidzo chokuroorana.” Nerimwe divi, duramazwi rechiRungu rinoti “pledge” rinoreva kuti: “a solemn promise or undertaking.”

Iyo mhiko iyi yaita kuti vamwe vati yakanaka, vamwewo vachiti kwete nokuti inoita kuti vana vavo vanamate vakafa inomboti chii, yakatorwa kupi, uyewo iri kuitwa nevana vechikoro pamusana pei?

Haanoi mazwi eNational Pledge:

“Almighty God in whose hands our future lies:

I salute the national flag.

United in our diversity by our common desire for freedom, justice and equality,

respecting the brave fathers and mothers

who lost their lives in the Chimurenga/Umvukela.

We are proud inheritors of the richness of our natural resources.

We are proud creators and participants

in our vibrant traditions and cultures.

I commit to honesty and dignity of hard work.”

 

Mashoko eNational Pledge anobva pachikamu chinovarura bumbiro romutemo rakavhoterwa zvine mutsindo mugore ra2013. Saka vari kuramba National Pledge vari kuramba bumbiro romutemo here?

Asi, Mukwende ane mubvunzo kune bazi redzidzo, wokuti kana chinangwa chiri chokuti vana vakure vachiziva, kuremekedza nokudada nenyika yavo, pamusana pei vana ivava vachiitiswa mhiko iyi nemutauro usiri wavo – chiRungu?

Unovimba nokudada nenyika yako sei kana uchiitsanangudza nokuita mhiko muchiRungu?

Bumbiro romutemo rinocherechedza mitauro yomuno yose iri 16 – Shona, Ndebele, Tonga, Nambya, Kalanga nemimwe. Saka zviuru zvavana vose vanotaura mitauro iyi vanoitirei mhiko iyi nechiRungu irwo rurimi rwaamai rwuripo?

Mwana ari muGrade Zero anonzwei pane zvose izvi, kana achizviita muchiRungu?

Hazvirevi kuti kana zviri mumadzidzirwo kana madzidzisiro matsva (new curriculum), zvongonzi ngazviitwe zviri mururimi rwunodzvinyirira vanhu.

Ipapa, ndipo pane nyaya huru.

Saka, kuri kukudzwa vapambepfumi nomutauro wavo here, kana kuti chinangwa ndechokusimudzira Zimbabwe nemitauro yayo? Kana zvirizvo, National Pledge ngaiitwe nemitauro yavanhu zvisinei kuti mutauro wechiRungu unoshandiswa muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links