Ochengetera mari pasi pedombo

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Ochengetera mari  pasi pedombo

Kwayedza

Amager Mufema
MUMWE murume anoti ave kuchengetera mari yake pasi pedombo nekuda kwekatsika kemukadzi wake kekusecha chikwama chake pamwe nehomwe dzembatya dzake achitora mari yaanenge aona.

Justice Mugaure akaudza dare reHarare Civil Court kuti akandiswa mapfumo pasi nehunhu hwemukadzi wake, Namatai Jaona, nekudaro anoda kudzivirirwa.

Akaudza mutongi wedare iri Barbra Mateko kuti: “Ndapoterawo kudare kuno kuti ndidzivirirwe nokuti ndaoneswa chitsvuku nemukadzi wamunoona uyu. Anoba mari mumba zvisina mukare akamboona.

“Anosecha muchikwama changu nemuhomwe zvekuti iye zvino ndakatoona kuti kuchengetera mari pasi pedombo kutori nani,” akadaro Mugaure.

Akati mukadzi wake ane tsika yekuti akamutsiura nenyaya yake yekuba mari kana kushandisa mari yerendi zvisiri izvo anobva amurova nekumutuka.

“Mambo wangu, ndikangomubvunza chete kuti ko nhai mukadzi unobirei mari mumba anobva atanga kundirova, kundiruma nekundituka.

“Anouya kubasa kwangu achindituka nekundirovera pamberi pevamwe vangu vandinoshanda navo, izvozvi handisisina chimiro.”

Jaona akaudza dare kuti aisapokana nechikumbiro chaMugaure asi ndokuramba mashoko ekuti anogara achimurova.

“Handimurove murume uyu, zvaataura kuti ndozvandinomuita iye ndizvo zvaanondiita.

“Anondirova zvisina mukare akamboona, izvozvi ndine kacheche kamunoona aka kandakabata asi akatondipa nhumbu imwe futi,” akadaro Jaona.

“Pakuti ndiri kutora mari yerendi ndichitenga zvisina basa anonyepa nekuti kutaura idi murume uyu haatengi chikafu saka paanondipa mari yerendi ndipo pandinotenga chikafu iye oti ndinoishandisa zvisina basa.

“Kubasa kwake ndakaenda nekuti ainge ave kudanana nemumwe musikana ikoko akabhadhara vaanoshanda navo kuti vaudze musikana iyeye kuti aive asina kuroora saka ndakangoenda ikoko ndichinomuudza kuti akaroora. Hapana kana chimwe chakaipa chandakaita,” akadaro Jaona.

Mutongi Mateko akapa Mugaure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>