MAONERO EDU: Africa: Kubatana ndiwo musimboti

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Africa: Kubatana ndiwo musimboti

Kwayedza

ZIMBABWE svondo rino yakabatana nedzimwe nyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reAfrica Day. Iri izuva rekupemberera kubatana kwakaita nyika dzemuAfrica mugore ra1963 mukurwisa hutongi hwevapambepfumi apo mubatanidzwa uyu, uyo pari zvino wave kuzivikanwa seAfrican Union (AU), wainzi Organisation of African Unity (OAU).

Mugore ra1963 iri, vatungamiriri venyika dzaive dzasununguka panguva iyi vakasangana kuAddis Ababa, kuEthiopia, vakaita chisungo chekuti vabatane mukubatsira nyika dzakange dzichiri pasi pehutongi hwevapambevhu kuti dziwane kuzvitonga kuzere.

Zvakakosha kuti nhoroondo yeAU irambe ichirovedzerwa, zvikuru kune vechidiki, kuitira kuti vakure vachiziva kuti rusununguko rwekuzvitonga rwavari kuona nhasi haruna kungouya nje-e.

Pane vakazvipira uye vamwe vakarasikirwa neupenyu hwavo vachirwira kuti nyika dzemuAfrica dzisununguke.

Kubatana kwakaita nyika dzemuAfrica panguva iyo dzairwisa hudzvanyiriri kunofanira kurumbidzwa zvikuru.

Mweya wekubatana uyu unofanira kuenderera mberi nekuti gavi rakasungwa rutatu haridambuke nyore.

Panguva iyi, nyika dzemuAfrica dzairwira kuzvitonga kuzere zvinova zvakazadzikiswa. Chimwe chezvikonzero zvikuru chakaita kuti pave nechirwirangwe pakati penyika idzi mukurwisa muvengi yaive nyaya yekuve nemasimba munyaya dzeupfumi hwenyika.

Chishuwo ichi hachisati chazadziswa kunyika dzakawanda uye zvinoda zvakare kuti Africa irambe yakabatana sezvayakaita pakutanga. MuZimbabwe chirongwa chekudzosera upfumi kuvaridzi — vanhu vatema — chiri kufambira mberi.

Panguva imwe cheteyo, Africa inofanira kungwarira kupatsanurwa nemuvengi, zvikuru nedzimwe nyika dzekumadokero idzo dzisati dzagutsikana kuti Africa ndeye vanhu vemuAfrica kwete vekunze.

Nyika idzi dzinoshandisa mano-mano akasiyana kuti dzinge dzichidyara mhodzi yekupesanisa Africa.

Nekudaro hazvishamise nhasi uno kuona kuti kune dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kutsigira tsika dzinoitwa nenyika dzekumadokero senyaya dzechingochani nekuda rubatsiro rwakafanana nezviwitsi.

Africa inofanira kugara ichiziva kuti muvengi wayakabatana mukurwisa makore adarika apo yaive iri pasi pehutongi hwevadzvanyiriri anogona kudzoka nedzimwe nzira.

Zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dzirambe dzakabatana, dzingwarire mano-mano ekudzinyengera mukurozva upfumi hwadzo anoitwa nemuvengi. Hongu, panogona kuita kupesana kwemafungiro pakati penyika dzemuAfrica asika, ngazvigadziriswewo murunyararo semhuri imwe. Boka reAU rinofanira kuve iro rinoshandiswa pakugadzirisa nhunha dzinenge dzamuka pakati penyika dzakasiyana kwete kupotera kunyika dzekumavirira. Zvakakosha kuti zvizvarwa zvemuAfrica zvirangarire rwendo rwakafambwa kubvira panguva yehondo yekusunungura nyika kusvikira nhasi uno.

Vana vechikoro ngavadzidziswewo zvakare nhoroondo iyi nekuti vanofanira kuziva kwakabva nenyika.Nhoroondo iyi ndiyo nhaka yemusiiranwa inoita kuti zvizvarwa zvemuAfrica zvisakanganwe chezuro nehope.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>