Shuwa here kuwachisa Mwari?

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views

Kwayedza

INI handidi kusekerera mimba yembwa seinokamwa mukaka. Uye, jee ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe. KuAmerica havasi kudzokera kumashure pakurova Mwari marambakutya. Vari kuona Mwari akanyarara zvake vofunga kuti ave mufesi wavo wekuwachisa nekukorobhesa. Asi Mwari wandinoziva, nyangwe ane rudo, uye ari rudo, haadi tsvina.

Kune chechi yePresbyterian ine vanhu vazhinji kwazvo kuAmerica yakabvumira kuti ngochani dzichatiswe. Asi havana kuperera ipapo. Mushure mekunge vabvumira kuchatisa ngochani muchechi yavo, mumwe mukadzi akaroorana nemumwe mukadzi vakagadzwa sevafundisi nemusi weSvondo muchechi yeFirst & Central Presbyterian Church kuWilmington, Delaware.

Vakadzi ngochani ava vanonzi Kaci Clark-Porter naHolly, vakaroorana makore matatu akapfuura. Ndivo ngochani dzekutanga kugadzwa pahufundisi pamwe chete.

Maitikiro ari kuita zvinhu zvacho kuAmerica ari kumhanya kudarika kombi iri kutiza mapurisa. Gore rakapera, chechi yePresbyterian kuAmerica ndipo payakati kuchata hakuchareva “murume nemukadzi” chete, asi kwave kureva “chero vanhu vaviri”.

Zvakangooma hazvo mufunge. Ini ndinoziva kuti Mwari vakati mukadzi nemurume ndivo vanoroorana vogara vose kuti vagoita vana. Hamuonewo here kuti kwave kufarisa kana vanhu tasvika pakuti nechechi inobvuma kuchinja zvakanzi naMwari ndizvo zvichaitika kuti, “Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.”

Mufunge vakadzi ngochani ava vakagadzwa sevafundisi vakakurira mudzimba dzakanga dzisingaitwe zvechingochani. Vose vari vaviri vakatenge vakamboroorwa, asi vakaramba varume vavo ndokuchitanga kudanana pavakanga vachidzidzira zvehufundisi. Mumwe wavakadzi ava, Clark-Porter, akanga achiti, “Pandakatanga kushandira Mwari pano pachechi yeFirst & Central ndipo pandakanyatsotanga kunzwa kuti ndakanga ndanyatsove mufundisi chaiye.

Ndipo pandakatanga kunyatsonzwa kuti ndinoda vanhu nekuvaitira hanya. Ini ndakazozviitira hanya pachezvangu, uyewo vanhu vemunzvimbo ino vakandida nekundigamuchira, pamwe chete nekugamuchira kudanana kwangu naHolly.”

Asi hunhu hwekubvumidza ngochani kuti dzive vafundisi hwakakonzera sangano reNational Black Church Initiative rinomiririra machechi 34 000 emasangano 15 akasiyana-siyana kuti riti hazviite. Sangano iri riri kuti, “Isu tiri kumira paShoko raMwari tichiziva zvinodiwa naKristu.

Hunhu hwechechi yePresbeterian chivi chiri kuitirwa chechi dzese pasi rese. Kana chechi iyi ichinge yadai, hazvichaita kuti varambe vachidzidzisa shoko rechiKristu uye vachizviti maKristu ari mumuviri waKristu. Ndizvozvi zvinotaurwa namupositori Pauro kuna vaGaratiya 1:8 kuti kune vamwe vanoparidza rimwe vhangeri.”

Hakusi kuAmerica chete kune machechi ari kuita zvembanje pamwe chete nekumonyorotsa shoko raMwari. Kana muno muZimbabwe kune chechi dzave kubva pachokwadi chaMwari dzichitungamidza minana, kushamisira, hupombwe nekuita mari, asi ivo vanhu vachiparara.
Hakuchisina maporofita anenge ana Isaya nanaJeremiya vakanga vachiudza vanhu kuti tendeukai musiye zvakaipa.

Zvizhinji zvisisiri kufamba nenzira yaKristu mumachechi edu muZimbabwe, asi hatisi kuzvitaura nekuti tinotya. Kunyarara kwedu kunogadzirisa chii chaizvo?

Hatisi tinofanirwa kunge tichirwira kutenda here? Inga Judha anotaura nezvevamwe vanhu vakaipa vakapinda pakati pevanhu vaMwari, vachizviita sevanhu vaMwari, asi vaine dzidziso isiri yaMwari.

Chechi yakagara yayambirwa kare kuti isvinure sagadhi wekuGuard Alert nekuti Satani akatomboudzawo Jesu kuti apfugame amunamate.
Nyaya dzekunamata inyaya dzehupenyu kana rufu. Chakaipa chakaipa, nyangwe chichigumbura Gumbura, ngatichitaurei kuti chakaipa nekuti Mwari havana kutipa Mweya wekutya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>