Tisakanganwe chezuro nehope

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Tisakanganwe  chezuro nehope

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mukucherechedza magamba akarwira rusununguko rweZimbabwe reHeroes Day pamwe chete nezuva remauto, reDefence Forces Day.

Mazuva maviri aya akakosha zvikuru munhoroondo yenyika ino uye ichi ndicho chikonzero achicherechedzwa gore negore.

Zvakakosha kuziva kuti pane vanhu vakawanda vakazvipira upenyu hwavo kurwira rusununguko rwenyika ino kubva kuhutongi hwevapambevhu kana kuti mabhunu.

Zviuru nezviuru zvevarwi vehondo vakarasikirwa neupenyu hwavo vachirwira kuti Zimbabwe ive nyika yakasununguka.

Nhasi uno kune vamwe vane marinda ari kunyika dzakasiyana dzinosanganisira Mozambique neZambia, avo vakafira kuti vanhu vatema vazvitonge. Kune vamwe zvakare vakafira kumasango ari kumativi mana enyika ino avo mapfupa avo asati avigwa zvine mutsigo.

Zvakakosha kuti vanhu veZimbabwe vazive kwakabva nyika ino uye kuti vasakanganwe chezuro nehope.

Dzidziso yenhoroondo yenyika iyi inofanira kuramba ichidzidziswa pamwe nekurovedzerwa, zvikuru kune vechidiki nekuti ndivo vatungamiriri vemangwana.

Zvakadai, tinogamuchira nemawoko maviri mashoko akataurwa nemutungamiriri wenyika President Mugabe nemusi weMuvhuro pazuva reHeroes Day kumarinda anovigwa magamba yeNational Heroes Acre apo vakati zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Tinoda kuti tirambe takabatana pane zvinanagwa zvedu zvakakosha kuti nyika yedu ibudirire,” vanodaro President Mugabe.

Aya mashoko akakosha zvikuru nekuti kubatana kune simba uye kana vanhu vakabatana vanoita chirwirangwe.

Pamusoro pezvo, kana vanhu vakabatana hazvisi nyore kuti muvengi ange achipinda pakati pavo. Rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nhando uye izvi ndizvo zvimwe chete zvinoitika kana vanhu vakabatana.

Zvakadai, zuva remauto eZDF rakakoshawo munhoroondo yenyika ino nekuda kwebasa guru ravari kuita.

Mauto eZDF chidadiso sezvo vari kuchengetedza runyararo munyika uye kuidzivirira kubva kuvavengi. Kunze kwekuchengetedza nyika, mauto aya ari kubatsira nenzira dzakasiyana kusanganisira vanenge vasangana nenjodzi yemafashamu emvura sezvakaitika kuTsholotsho mumwaka weZhizha wadarika. Mauto emuchadenga eAir Force of Zimbabwe akabatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu kuburikidza nekuvatakura nezvikopokopo achivaendesa kunzvimbo dzisina njodzi.

Kunze kwazvo, mauto eZDF ari kubatsirawo mukuvakwa kwemazambuko, migwagwa, zvikoro nemakiriniki munzvimbo dzakasiyana, kusanganisira kune vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu. Mamwe emauto aya zvakare ari kuita basa guru rekubatsira kuchengetedza runyararo kune dzimwe nyika dzemuAfrica dzakatarisana nekusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika sekuSouth Sudan neSomalia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>