zesa: Kudada kwevari mugomo

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
zesa: Kudada kwevari mugomo

Kwayedza

GUMIGURU atanga. Mwedzi unofadza nokuti gore rave kutopera, asi chinonyanyoita kuti unakidze ndechokuti ndiyo nguva yatinotanga kuona upenyu hwezvinhu zvatinombofunga kuti zvakafa. Kubva kusora, kusvika kumiti, zvose zviri kupfeka nguo itsva inonzi pfumvudza.

Kwakaita bumharutsva nokusina, kwave kubuda sora. Miti yakambenge yakoromoka mashizha ichisara yaoma kunge huni, mizhinji yave kutunga mashizha. Inobereka michero, iri kuita maruva zvokuti pakupera kwemwedzi mimwe inenge yave notwuvana.

Zvimwe chetezvo mukatarisa mumativi mezvitsiga. Munoona nhungirwa. Kana nzvimbo dzinokosheswa miti namaruva dziri kuyevedzawo. Muguta reHarare, miti yakakomberedza Africa Unity Square, mijakaranda yakashonga maruva ane ruvara rwoumambo (purple).

Miti inotemwa, sora rinopiswa neimwe inodonha hazvigare matare kuti nguva yepfumvudza yave kusvika, ndiani achatanga kuita ichi nechichi kuti zvizivikanwe kuti mwaka wasanduka.

Hazvinge vanhu vanoda kufudzwa nokuyeuchidzwa kuita zvinhu zvakavanakira nguva nenguva. Sei zvichidaro? Zvipikiri zvavapembepfumi zviri kuramba kubva mumusoro here kuti vanhu vanyatsofunga nokuronga ramangwana reZimbabwe rakanaka?

Chandipa pfungwa iyi inyaya yerima riri kuramba rakakwidibira nyika yose.

Rima raunobvunza kuti chatisvitsa pakadai chii? Bazi rinoona nezvemoto wemagetsi rizere nenyanzvi (ma”engineer”), saka kana nyika yakwidibirwa nerima vakange vari kupi?

Chakazonyanyoshamisa igwaro rakabva kuZimbabwe Electricity Transmission & Distribution Company (yamaiti Zesa), rakauya riri mumapepanhau musi weChipiri richiudza vanhu kuti magetsi achange achidzimwa nomutoo upi: “2015 Summer Load Shedding Programmes”.

Zvanzi nebazi reZETDC: “Zimbabwe Electricity Transmission & Distribution Company is experiencing increased power shortfalls due to lower water levels at Kariba Power station, generation constraints at Hwange Power Station and limited imports. The power shortfall is being managed through load shedding in order to balance the power supply available and the demand.”

Isu zvedu zii kunyarara kunge tisiri kunzwa kana kuona.

Kuudzanawo paine nguva zvakaipei? Hazviurai!

Zvakatora nguva yakareba sei kuti zvionekwe kuti mvura iri kuita shoma mudhamhu reKariba, kunyanya riri dambudziko rinobatawo Zambia? KuZambia vakangomirira kuti vanhu vaone rave rima zuva nezuva here?

Kuudza vanhu kuti pane dambudziko ratinenge tichatarisana naro kwenguva yakati kuti, saka vane mari tengai gasi, huni, parafini kana makenduru akati wandei zvinoita kuti dambudziko rireruke zvishoma.

Munhu angashatirwa zvake nokuti anenge achiziva kuti akabhadhara DSTV, haasi kuzoona TV, zvichamunetsa kuchajisa foni, asi kuudzwa nenguva kunopawo vanhu chiremera. Kune vaya vakatenga magetsi vanonzwawo kakusunuguka nokuti hazvidi kuti ubhadharire chinhu chisipo.

Dambudziko riri pakakunyarara-nyarara aka kanoita kuti vanhu vatange kunyomba nokugumbuka, ipo paine zvikonzero zvisvinu.

Tinonzwa zvichinzi vari kushambadza mumapenhau kana pamawebsite avo!

Kudada kwavari mugomo uku kukumbira vari pasi mapfihwa. Kana vanhu vachishaya zvokubikisa sadza, vanowana kupi mimwe mikana yokuziva kuti Zesa yasungwa mbiradzakondo?

Chinorwadza vanhu ndechokuti nyika isati yave kushandisa mari yekunze, chichemo chaive chokuti “foreign currency” hakuna ndosaka tichipota tichidzima magetsi, uyewo ndosaka tisingakwanisi kutambanudza zvatiri kupa vanhu nokuti mari hapana.

Nhasi uno tiri kunzwa kuti vanhu vakawanda havasi kubhadhara, asi mubvunzo ndewokuti zvakatanga nokusabhadhara here kana kuti pane chimwe chirwere chakapinda chakaodza mwoyo yevanhu?

Muvanhu mune pfungwa nemazano anoshamisa zvokuti kuenda kuvanhu veZETDC vanonowana mhinduro. Vakatarisa vanhu vari kutanga misha yavo mumadhorobha vachaona kuti vatove pamberi kupinda vaitemba nemagetsi.

Vanhu vari kuvaka misha yavo neruzivo rwematambudziko akaita samagetsi nemvura zvokuti vazhinji vari kushandisa masimba ezuva (solar power) nemagenerator.

Vari kucherawo migodhi yavo kana nzvimbo dzavo dzakakura.

Kana zvisizvo, vari kutenga matangi emvura, vopota vachitenga mvura kune vari mumabhizinesi anoita izvozvo.

Hazvina muswere, nokuti chara chimwe hachitswanyi inda, uyewo kunyarara mukore uno kunopa zita risina kunaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>