2020: Gara warirongera

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

RAPERA gore ra2019, rapera. Tapinda muidzva gore, tapinda, tapinda muna 2020!

Zvizhinji zvakaitika mugore ra2019, zvinofadza nezvinosuwisa.

Kune vakawanda vane zvavakange vakaronga kuita mugore rapera iri, zvimwe zvacho zvakabudirira asi zvimwe hazvina.

Vamwe vakaroora kana kuroorwa, vamwe vakavaka kana kutenga dzimba, vamwe vava kufamba nedzimotokari, vaida kuchata vakazviita, varimi vakadyara vakakohwa zvavakarima — zvakawandisa.

Kana aikanda shoko rerudo kuchimhandara chaaida tinovimba zvishuviro zvake zvakazadzikiswa.

Asi vamwewo vakakundikana pane zvavaida kuita. Zvinowanikwa izvozvo! Gore ra2020 ratichangotanga kudai, igore idzva kumunhu wose zvake. Hakuna anoriwana rava dzaru, nekudaro zvakakosha kuti munhu wega-wega ave nezvishuviro zvake zvitsva.

Dzimwe nguva munhu anokwanisa kunge aive nehurongwa husina kana chimwechete chakabudirira muna2019, zvamuita kuti awore mwoyo negore rino.

Misi nenguva hazvifanane — chitosiya zva2019 utange zvitsva muna 2020. Usawore mwoyo, zvawakakundikana kuita muna 2019 handizvo zvingakutadzisa kurongera ramangwana rako.

Upenyu hunoda kurongerwa uye kuedza nepose kuzadzikisa zvirongwa zvacho.

Rino ibva waritanga wakarongeka – rirongere.

Angave mubereki kana mwana wechikoro, zvakakosha kuve munhu akarongeka. Mubereki akarongeka panguva ino akatopedza nezvehurongwa hwekuchikoro hwevana hunosanganisira kubhadhara mari dzemafizi, kutenga mayunifomu nezvimwe zvinodiwa kuchikoro.

Kune vamwe vaifarisa pazororo reKirisimasi neGoredzva zvekududunya mari yose vachikanganwa kuti vana vanoda mari dzechikoro nezvimwe zvakawanda mukurarama.

Ivava vakadai ava havana kana kumbosiyana nenguruve inozvikanga nemafuta ayo. Vatarisana nechokwadi zvino — zvava kuda mari ihobho nefararira.

Mugore idzva rino, munhu ngaave akarongeka uye ogadzirudza kana pachinge paine paakakundikana muna2019.

Kana ukatanga gore nekukwereta, zvinoreva kuti unoripedza rose kuti dhu uchingori muzvikwereti.

Hongu, kune zvimwe zvikwereti zvakanaka kuti munhu atore kana achida kuita mabhindauko sekurima, kutanga bhizimisi nezvimwe.

Asi kwete kutora mari yekuti munhu aende kumafaro asina chinobatika. Zvakakoshawo kunyora pasi hurongwa hwegore rose kuitira kuti munhu asakanganwe nekuti pane zvakawanda zvichaitika mugore iro rino iri.

Vamwe vari kuronga kuroora kana kuroorwa, kuvaka dzimba, kuenderera mberi nedzidzo kana kuenda pamudyandigere.

Muupenyu, kana munhu akatadza kurongeka anozove dambudziko kune vamwe nekuti anopedzisira ave negodo kana kushandisa huroyi kune vanenge vachibudirira zvavo.

Mwari kazhinji vanopa munhu mukana wekuti azvisimudzire upenyu hwake, nekudaro zviri kuna nyamunhu kuti ashandise mukana waanenge apihwa.

Nhasi uno kune vamwe vari kudemba mushure mekutadza kushandisa mikana yavaimbowana muupenyu hwavo.

Vamwe vakawana mikana yekuvaka misha asi havana kuishandisa vachidya purezha mudhorobha nekuti vaisaziva kuti mari muenzi inouya ichienda.

2020 anoda kurongerwa zvine hungwaru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>