Unofanira kudya cheziya

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Unofanira kudya cheziya Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

HARISI guhwa kuti chose chaunobata uchachishandira. Ichi ndicho chokwadi chinofanira kuzivikanwa nemunhu wose. Dare rino rave nehumbowo hunoratidza kudaro.

Kana munhu akaita twunhu twake achiti hapana ari kumunzwa, kumuona, angava baba kana amai pamusha, sabhuku kana muzvinakambani, mhedzisiro achazvishandira chete. Vakachena vanotanga vashandira zvinhu kuti vagare zvakanaka asi vasina kuchena vakafanana neavo vanokwereta mari kubhangi vozoibhara pashure. Mari yechikwereti chebhangi inotobhadharwa chete uchida kana kusada.
Vazhinzi vanobvunza kuti dare rinorevei kana richiti uchazvishandiri zvaunobata. Mhinduro ndiyoyo yekuti kana ukawana chinhu nyore-nyore usina kuchishandira, ichasvika nguva yauchazochishandira zvako, pava paye, dzimwe nguva watorivara zvako nokuti munhu wese anofanira kudya cheziya.

Kudya cheziya ndiwo mutemo wakadzikwa naNyadenga mukusikwa kwakaitwa rudzi rwedu sevanhu. Nedzimwe nguva vadare vangade kuziva kuti ndevapi vanhu vanowana zvinhu nyore vasina kuzvishandira vozozvishandira pave paya. Dare rinoti munhu wese kubvira pane mudiki kusvika pamukuru, munhukadzi kana munhururume vemazera ose, vananyamasimba kana vanapombiyadonha, tese tinobatanidzwa apa pekuti tidye zvatashandira nguva dzose. Uyu mutemo hapana waunosiya.
Mutemo waNyadenga hapana waunosiya, hautsvagirwe gweta kwete. Mutemo uyu une nzira yekugadzirisa zvinhu wega.

Kana uri mwanasikana ari kucollege kana university usingagutsikane nemari yaunopihwa nevabereki vako iwe woti ndichaiwana kuna sugardaddy, kana sugardaddy anotadzisa mwanasikana wemumwewo kukura zakanaka, vaviri ava vachashandira kubata kwavo kwese. Vanogona kurwara vese nechirwere chepabonde kana kuti vanogona kunyadziswa vese kana zvavakaita muchivande zvabuda.

Kana vari vanyamasimba vashandisa simba ravo pabasa ravo kutora zvevapfupi nekureba, vachashandirawo zvavatora izvi. Angave sabhuku, kana mudzimai wasabhuku, mukuru wechikoro kana ani zvake anoshandisa simba rake kuita zvisizvo.

Tinoona vamwe vave kutaura vega pamatare avo vachikurukurirana nevanhu vatisingaone isu nemaziso edu enyama. Vamwe vanopedza kutengesa pfuma yavo mukuripa ngozi, vamwewo ndivo vanogona kuramba basa chairo, woshaya kuziva kuti vachazvifambisa sei.
Ngazvizivikanwe kuti vanhu vose ava, nguva yavo yekushandira chikwereti chavo inenge yakwana.

CHENJEDZO:

Pane zvose zvatinobata, dare rino rinoda kutiyeuchidza kuti igaroziva kuti mari yatinotora kubhangi nechikwereti tonakirwa nayo nhasi, tichaishandira mangwana paye patinenge taipedza yese, isu toona setabiridzirwa asi tatokanganwa chazuro nehope.

Nekudaro chose chatinobata nhasi ngatidzamisei pfungwa dzedu kuti tione pazvichatisvitsa hwedza kana tave kuchishandira isu vadiki, vakuru kana ani zvake.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected].

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>