Bembera padare: Chakawana hama hachisekwe

25 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Bembera padare: Chakawana hama hachisekwe

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

NGUVA zhinji patinoenda panenge pashaya munhu, tinonzwa pachiimbwa rwiyo “Ndimi makauraya, ndimi makauraya hazvina mhosva pahukama”. 

Pamwe tinokahadzika kuti ko hama dzagourayana sei, zvinenge zvambofamba sei kuti zvidaro? 

Nekuda kujekeserwa vamwe vakazouyawo padare vachida kuti vazive kuti zvinofamba sei uye zvinenge zvambobva nekupi. 

Vamwe tinogona kukura mhumhu chete asi zvimwe zvinotaurwa pachena nerurimi rwedu tinenge tichiri pwere. 

Tinogona kududzira zverurimi rwevamwe asi rwedu takadzima kare. 

Zvinonzwisa hazvo tsitsi asi chakawana hama hachisekwe.

Ruzhinji rwunoziva kugara kwaiita mushakabvu pamusha apa, kubatwa kwake nehama dzake, kudzorwa kwaaiitwa kana arasika, kana kusadzorwa nekupembedzwa mune zvisirizvo zvinova zvamusvitsa pakuparara atatapurana nezvaanosangana nazvo kunze uko seasina hama dzinoraira. 

Ndipo pakatangira rwiyo urwu. 

Kureva kuti kuti tinzi vanhu, tinofanira kudzorana pahukama hwedu isu mumhuri dzedu, mudunhu, mukambani yedu, kana munyika medu. 

Tikasadzorana, hunhu hwedu hunony’enga semavhunze emoto hukatiparadza.

Zvino isu sehutungamiri hwemusha, matunhu kana makambani, tinonzarwowo kunzi ndimi makauraya pamusana pehunhu hwedu hwekusadzamisa pfungwa dzedu pakubata mabasa edu. Aya mabasa ekuti musha wedu, ubudirire. 

Zvino vamwe havatarise zvine udzamu mabatiro avo emabasa. 

Vanotoona semukana wavapihwa nemidzimu kuti vaite mari. 

Vanonokumba kumusha vose vaye vairova maticha nerekeni kuti mandipirei masvomhu akaoma, madii kungondipa zvakareruka. 

Vakadai ava ndivo vanopihwa mabasa makuru, nemikana yakawanda.

Vamwe tinotofunga kuti havana hukama pamabasa nokuti vanenge vaine mazita akasiyana zvavo asi vari vanhu vamwe chetevo.

Hazvina hazvo kuipa kuti munhu wose munyika awane basa rekuti arerewo mhuri yake. Chakaipa ndichocho chekuti anopihwa mikana yose kudarika vamwe vasiri vehukama iye asingakwanise kushandisa mikana iyi kuti musha, dunhu kana kambani ibudirire. 

Anongotora mikana iyi semikana yekuita mari nayo.

Maitiro iwaya ndiwo anotisvitsa kuti tizotukwa tave kutiudza kuti tisu takauraya. 

CHENJEDZO:

Kana pakave padare, pamusha, pakambani kana mudunhu, zvinhu zvikangopihwa vekuziva bedzi, nedzimwe nguva hapana chinobuda. 

Vamwe vacho vanozvipfachura kana kuzvitengesa kuti vawane pfuma nekukurumidza asi mhuri ichida zvinoraramisa. Mhedzisiro dare rino unonzwa rave kunyaudzwa isu vana samusha, vanasabhuka, vanamuzvina kambani tave kuimbirwa ndimi makauraya, hazvina mhosva pahukama. Ichakwadi ndisu tinenge takauraya. 

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected].

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>