Bembera Padare: Dziva guru idiva kamwe

26 Nov, 2020 - 13:11 0 Views
Bembera Padare: Dziva guru idiva kamwe Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

PANE madziva anokwevera vanhu kuti vave neshungu dzekumbotivamo kuti vambotonhorerwa. Mhuka dzinodarowo kusvetukira mudziva dzichitsvaga pekuyambuka napo, kana kutsvaga mvura yekunwa paye padzinenge dzotsva.

Zvinogona kuti mhuka idzi dzibudirire kuyambuka kana kunwa mvura kekutanga, asi zvinoitika zvakare kuti dzimwe dzide kudzokorora zviya zvadzamboita pakutanga dzikabudirira. Asi nedzimwe nguva dziva rinogona kuminya, kuramba chaiko kuti tana.

Dziva rinogona kunge riri musha wezvimwewo zvikara. Paye padzambotiva, samusha vanogona kunge vambofamba-fambawo vachifurwa nemhepo kana kuti vambovarairwawo zvavo, asi pakuzoda kudzokorora kutiva mumusha mavo pasina mvumo ivo varipo, panogona kutooma. Mamwe madziva misha yemakarwe.

Garwe harina hurukuro kuvanhu kana kumhuka dzinoyambuka kana kutambira munharaunda yemusha waro. Munopedzerana kana mangoita zvemusoro wenyu kudarika nepamusha waro. Zvinoda kuti vanhu kana mhuka dzimboongorora kuti dziva iri rakamira sei dzisati dzatora danho rekuyambuka dziva iri.

Kana ngwena yabata chinhu mukanwa mayo, hairege. Zvinotoda kuchama chaiko kuti izoregedza. Inodambura-dambura chayabata ichipidiguka irimo mumvura. Inogona kushandisa musha wayo zvizere. Asi mhuka dzinotiva mumadziva akadzika hadzina ruzivo rwemumvura rwakakwana. Dzinonyudzwa negarwe dzobva dzatadza kufema, wanike ndopakaperera sarungano.

Pane vazhinji vedu vanasamusha, vanasabhuku, vanasadunhu kana vanamuzvinapembe vemakambani dzangove ngano dzega. Mukasangana navo mumugwagwa munotopesana mavashaya nokuti ruvara rwavo rwekare rwunenge rwasiya. Kungwarira paduri sehuku kuye panenge pasisina.

Kutiva mumvura izere makarwe hakudi kungwarira paduri sehuku.

Vanasamusha, vanasadunhu nesu vanamuzvinapembe mumakambani umu, tiri kutuhwina mumadziva azere makarwe. Hatina ruzivo kuti zvatiri kuita izvi zvichatisvitsa kupi. Tinongotevedzera vamwe vanotiva madziva anony’udza sezviya zvinoita mhuka dzichiyambuka madziva ane makarwe. Hatitarise kwatiri kuenda kana patiri kutsika.

Vazhinji vedu tinoita zvinhu tisina kuongorora zvakazara mumusha, mudunhu kana mukambani chaimo. Tinoti zvatabudirira kekutanga kuita chinhu chinotyisa, chisingabvumidzwe, uye chine njodzi, zvedu zvaita. Tinozoyeuka tava mukanwa mechikara toshamisika kuti zvaita sei, inga paye takambobudirira? Zvino kana wapinda mutsekwende yakadai, manhenda wamubuda.

CHENJEDZO:

Isu vanasamusha, vanasabhuku, vanasadunhu, nemiwo vanamuzvinapembe vemakambani, ngatisiye kungwarira paduri sehuku, tiongorore patinoda kutiva napo kuti hapany’udze here, hapana zvingatikanganisa here, tisapinze misha yedu, matunhu kana makambani edu panguva yakaoma nezvatinoita tisina ruzivo rwakakwana. Tikabudirira kekutanga mune zvisirizvo, ngatibva tapfira mate pasi, tosiyana nazvo zvekutiva mudziva guru ruviri-ruviri. Inga zvinonzi tsuro haiponi murutsva ruviri.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] 

Share This:

Sponsored Links