Bembera padare: Gudo guru peta musweGudo guru peta muswe

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Bembera padare: Gudo guru peta musweGudo guru peta muswe

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

MAKUDO anogara semhuri semagariro atinoita vanhu. Gudo guru nerimwe zita rinonzi horomba.

Horomba yegudo ndivo baba vemusha wemakudo mukugara kwawo musango, zvikuru mumakomo.

Nguva nenguva gudo guru iri rinopota richiona kuti mhuri yaro iri kugara sei. Pano nepapa rinodzora nembama vana vanenge vachitsaudzira kuti vapinde mugwara. Asi nedzimwe nguva horomba yegudo rinopindiridza neparisingafanire kupindira mukutamba kwevana.

Nokuti tambozvireva kuti makudo anogarawo sesu vanhu, vakuru ndivo vanotanga kudya.

Kana vari baba vane nhafu, gudo iri rinodya zvose zvawanikwa nemhuri – marize, mbambarize, tsombori zvose nemichero.

Izvi zvinorwadza vana nemadzimai aro. Sekuziva kwedu kana mwana akagara achirohwa mbama nevabereki, anoita nhinhi. Haazonzwa kurwadziwa nembama kana shamhu. Pamwe pacho mwana akada kurohwa anombovhika, mukuvhika kuya anobata rushamhu kana ruoko rwababa, wanike baba vaye vave kutadza kutora rushamhu rwuya kana kubvisa ruoko rwavabatwa nemwana achida kuzvidzivirira.

Mwana kana akaona kuti pose paanoda kurohwa akabata ruoko rwababa, baba vanokundikana kumutakanura ruoko rwake, mwana acharamba achiwedzeera simba achida kuona kuti baba vachadii.

Apa ndipo pachatanga mwana kudheerera baba nokuti anoziva kuti havachisina simba. Kana zvadai zvoreva kuti mhuri yemakudo iyi yatove nerimwe horomba rinenge rokurira. Izvi hazvisi kumakudo bedzi, asi nekune dzimwe mhuka.

CHENJEDZO:

Ndozvinesuwo mumisha kana mumakambani edu. Tinongoitawo semakudo. Ngatichenjererei kugarorova vana vedu nekuti tikadaro vachaita nhinhi. Ngatizvibatei kuti tisagare tichirova vana vedu. Vakatijairira hatizovagona. Kana iyo mitemo yenyika haitendere kuti vana vagare vachingozvakatswa kurohwa nekuti ikoko kutotyora kodzero dzavo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links