Bembera Padare: Unokohwa chaunenge wakadyara

11 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Bembera Padare: Unokohwa chaunenge wakadyara

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

INO inguva yekurima isu vamwe tinorimira mhuri dzedu nenyika kuti tiwane chekudya chakakwana neraramo yakaringana. Varimi vakangwarira vakaita hurongwa hwekurima minda yepagombo, yekunhivi, yekumhiri neyepamusha pakare vachidyara mbeu dzakasiyana kuti mhuri dzavo dzigowana kudya kwakazara uye kunopa utano. 

Asika, pane vamwewo varimi mukati medu vanozotanga kuronga nezvekurima mvura yatoturuka. Vamwe vavo vanotanga kugadzira magejo mvura yatanga kunaya, pavanozopedza kugadzira magejoyo, vamwe vanenge vatofamba nendima.

Hazvishamise kuti varimi vakadai vanotanga kutsvaga mbeu dzekudyara nefetireza nguva ino. Hazvikatyamadze kuti vamwe vavo vanozoshaya mbeu dzavanoda nokuti dzinenge dzapera kutengwa nevakatanga. Chinenge chasara ndichocho chekuti varimi ava vanozongotora zvasarazvo. 

Zvimwe zvinenge zvagarisa muzvitoro zvashaya anozvida, ndizvo zvavanozomanikidzwa kutora. Mbeu dzakadaro idzi dzinenge dzarasa uturu hwadzo zvekuti kumera kwadzo nekukura kwadzo kunogona kunetsa. Hapano pakuzokohwa, ndipo panobuda chokwadi kuti chaunokohwa chinoenderana nechawadyara. Havasi varimi chete vanotadza kuronga zvinhu zvinobata upenyu hwavo, asi vanasamusha, masabhuku, masadunhu kana vanamuzvinakambaniwo vanokundikana kutora mukana wekuita hurongwa nguva ichiripo. 

Zvino pane chakanaka here chingatarisirwe mukukundikana kuronga kwakadai? Ndosaka tichiona gore negore mhuri ichigarokwereta, mudunhu muchishaikwa mvura kana migwagwa yakanaka, vanhu vachichema nenzara, vashandi vasingabhadharwe mugove wavo wekushandira kambani, pakambani pachigarobiwa. Izvi zvinoitika nokuti zvinotanga nekudyara mhodzi yekuba. Zvino kana zvazosvikawo pasi, chinosara chine mudzimu wacho. Vane basa rekuronga nezvemusha, dunhu, kana kambani, ndivo vanotungamira nzvimbo idzi. Vanotungamirwa vanomirira kuudzwa kuti ngatichidyarai, ngatichiisai hurongwa hwedu pabasa. 

Vanotungamira vakanyarara, zvese zvinonyarara. Tikadyara kunyarara nesuwo tinokohwa kunyarara. 

Mbiru dzekurima, dzemisha, matunhu, makambani, kana nyika, dzine hurongwa hwakasimba, husina kufungidzira kuti ndiani achaita izvi, ndiani achadai, nokuti zvese zvinenge zviri muhurongwa. Hurongwa hunoda kujekeswa. 

Kana muri muhondo chaimo vanhu vakasajekesa mabasa emauto, munopedza kuuraisa vana vevamwe. Nokudaro kuve mbiru pazvose zvatinoita nezvatinobata muupenyu hwedu mumisha, matunhu, makambani kana nemunyika, kunoda kudzidzirwa. Kudzidza kuri pakawanda. Hakusi kuenda chete kuchikoro kunobhadharwa mari, asi kuona zvinoita vamwe. 

Zvinoda kumbosuduruka pamusha pako, pakambani pako, kana padunhu rako, uchionawo nekubatisisa zvinoitwa nevamwe.

CHENJEDZO:

Nekuona kuti misha mizhinji inogarochema nenzara mhuri dzichigaropemha, migwagwa ichirarira isingagadzirwe, mvura ichishaikwa, marara asingatakurwe, vana vachigarodzingirwa mari yechikoro, vabereki vachitungamidza tsamba dzekukumbira vakuru vechikoro kuti vana vasadzingwe, goho reminda richigarotsonga, dare rino rinokurudzira vakuru vose kuti vaite hurongwa hwakakwana kuti kudyara kwavo kwose kuwanewo zvibereko zvakaringana.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:

[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>