Bhegi remari nenyoka

25 Sep, 2015 - 03:09 0 Views

Kwayedza

SAKA kuita bhegi hazvireve mari chete, asi unogona kuita bhegi remari nenyoka! Kufanana nemamwe mabhegi atinongoona akapakatirwa nevanhu mutaundi umu, anogona kunge aine zvinonanaira, zvinosvosvoma nezvinoshinyira semuchinda wekubatwa aine nyoka mubhegi paroadblock.

Haana kumboramba kuti inyoka yake! Ipapo ndipo paakandiratidza kuti munhu uyu akazvipira kuita mabasa ake zvechokwadi. Kazhinji kana zvinhu zvikatiomera tinonyepa kuti tipone. Inga wani Peter chaiye akaramba Jesu – kwete kamwe chete kana kaviri, asi katatu.
Kuramba munhu waakanga ambotaura nemuromo wake kuti Mwanakomana waMwari.

Asi iyi shasha yenyoka iyi yakaramba nenyoka yayo wena. Murume wekubatwa nenyoka yake uyu akatobuda achiratidza vanhu nyoka yake ichimumonerera mumutsipa zviye zvekuti “isu tinonyatsozivana, zvekuti kana vanodanana havambombundirana sesu.”

Pasina nyaya yekunyatsomonererwa nenyoka muhuro, imwe nyaya yakabuda panyaya yemurume uyu inyaya yemhando dzenhaka dzinosiirwa vana nevabereki. Nyoka haisi mombe, huku kana mbudzi dzinonzi akasiirwa pfuma nemubereki wake.

Kusiirwa nhaka yenyoka kuurayiwa mweya wako nehunhu hwako. Kana vamwe vanhu vachinetseka nekuviga zvinhu zvavakaba nekuti vanoziva kuti zvinoita kuti vanhu vabvunze mibvunzo, ko uyu anorarama hupenyu hwekuvanza nyoka yake ane rugare here? Anongogara hana iri mumawoko kana akanzwa vanhu vachishevedzera kuti pane nyoka yaonekwa.

Kwaari nyoka haisi mhandu, hachisi chinhu chinotyisa, asi mwana wake, kungoti chete haafanire kuonekwa nevamwe nekuti paakazvarwa haana kumbobvisirwa makorokoto!

Murume uyu achitaura akati nyoka iyi akanga aisiirwa senhaka namai vake vakafa. Dzimwe nhaka dzinopinza gehena uri pano pasi. Dai nyoka iyi yaibhadhara zvekuti zvinhu zvake zvinobva zvafaya, dai achifamba nemota, achigara kusingafambe vanhu vanoshevedzera kuti tinonama mapoto.

Dai nyoka iyi iri nyoka ine dhiri, dai isingavigwe mubhegi rakatengwa kuGulf Complex kana mubhero remazitye kuMbare. Dai nyoka iyi isiri mahwani, dai ichigarawo mukeji yakanaka, mainopota ichiisirwa makonzo, matatya, shiri nezvimwe zvinhu zvinofarira kudyiwa nenyoka.
Zvino chinonetsa nenyoka dzevanhu dzakaita senyoka iyi ndechekuti, ndidzo nyoka dziye dzinonwa ropa revanhu nekuyamwa mukaka mumazamu evanhukadzi. Nyoka inganzi inorapa! Kuti yakadzidzira medicine kupi? Inoziva here kunyora temburicha neBP pakadhi remurwere? Munhu anowadzana nenyoka, naiyewo inyoka.

Nyoka hairape chinhu, nekuti haisi chipatara. Nyoka haipfumise asi kushanda nesimba ndiko kunobhadhara. Nyoka haisi nhaka nekuti nhaka yakanaka haivanzwe. Kuchengeta nyoka hakuite, zviri nani munhu achengete dzidziso yakanaka yekutsvaga Jesu.

Shungu dzangu mazuva ano ndedzekuti dai pandinozofa, ndikafa ndisina hukama nezvinhu zvandinopihwa kana zvandinotsvagirwa nenyika, asi zvisingafadze kana kupa mbiri kuna Jehovha Mwari.

Ndinodirei kuchengeta nekufamba nenyoka ndichitadza kuchengeta nekufamba neshoko raMwari saDavid akati, “Shoko renyu mwenje wetsoka dzangu nechiedza panzira yandinofamba.”

Vanhu vaMwari, kunze uko fambai makasvinura nekuti rima riri kudya vanhu sesadza, richitonanzvira!
Kunze uko, nyoka yakapa Adam naEva muchero iri kuzvimonerera muhana dzevanhu. Nyoka dzave kugara mumota nemumabhegi. Haasi wese munhu waunoona achifamba munzira waungati munhu chaiye. Vamwe zvikara.

Asi hun’anga, chiporofita, kuve nemari kana nyoka hazvipinze denga. Shoko raMwari rinoti kunze kweJerusarema ndiko kunembwa, mhombwe, varoyi nevarevi venhema.

Musasekerere mimba yembwa seinokamwa mukaka!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>