Bhinzi: Husavi hwakareruka kubika

30 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Bhinzi: Husavi hwakareruka kubika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BHINZI kudya kunovaka muviri sezvo dziine mapuroteni uye dziri nyore kubika. Svondo rino tiri kukaringirwa usavi hwebhinzi naTatenda Saizi wekuMarondera.

Zvinodiwa:

Binzi rakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta, mvura yakachena, chikari kana poto.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi dzako mumvura kuti dzipfave nekuzokasika kuibva uye nechinangwa chekuchengetedza magetsi, huni kana gasi.

Nyurura bhinzi woisa muchikari chakachena chine mvura yakawanda.
Dzikwatise kusvika dzaibva uchiwedzera mvura.
Kana dzaibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi ukange, chekererawo matomatisi ugadzire muto.
Kanda munyu wakaringana woisa bhinzi.

Pindura zvisangane udzisiye dziine muto wakakora.
Bhinzi dzinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links