Chii chaitika kumaticha?

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoshatirisa pamwe nekunzwisa hurombo zvikuru — nyaya ine vhidhiyo riri kutenderera iro rinoburitsa mumwe mudzidzisi achirwisana nemwanasikana wechikoro uyo akapfeka yunifomu pachikoro apo vamwe vana nematicha vanenge vakatarisa.

 Vhidhiyo iri ranetsa paWhatsApp nepaFacebook uye kusvika pari zvino hazvisati zvave pachena kuti izvi zvakaitika pachikoro chipi.

 Asi, nemamiriro akaita nharaunda yepachikoro apa, zvinoratidza kuti chinogona kunge chiri chesekondari chiri kumaruwa.

 Muvhidhiyo iri, ticha wechirume uyu anotanga nekurova mwanasikana wechikoro nezvibhakera pamwe chete nebhutsu apo mwana anombozama kutiza. Mwana uyu anozopedzisira odzoserawo ticha uyu nekumurovawo nezvibhakera zvakasimba, vamwe vana vechikoro vachiona.

 Panoita vanhu vaviri vanomboedza kudzivirisa bongozozo iri — mumwe wacho anoita sekunge murairidzi — asi zvinokona n’anga murapwa achida.

 Pasi pemutemo wenyika, imhosva kurova mwana uye izvi hazvinei nekuti mubereki here kana kuti nditicha — hapana anobvumirwa nemutemo kurova mwana.

 Semaonero edu, murairidzi ari kubuda muvhidhiyo iyi anogona kunge agara achiita katsika kekurova vana nezvibhakera.

Tinodaro nekuti hazvisi nyore kuti mwana wechikoro — zvikuru mwanasikana — asvike pakudzorera kana kurwa nemurairidzi wake pajekerere. Pane zvikukutu zvinetenge zvamurwadza.

 Ticha uyu anogona kunge aine katsika kekugara achirova vana vechikoro nezvibhakera pamadiro kusvikira musi uyu apo gava rakazodambura musungo ndokubva mwana atanga kumudzosera.

 Zvakaitwa nemuraidzi uyu zvinonyadzisa zvikuru uye hazvipe chimiro chakanaka kumaticha ose. Ticha kukungira mwana wechikoro zvibhakera?

Vamwe vanobvunza kuti chii chaicho chaitika kumaticha edu? Ko vadzidzisi vekare avo vairemekedzwa, ivowo vachiremekedza basa vakaendepi? Murairidzi uyu kunze kwekutyora mutemo, akatofumurwa zvakare nekuti pose paanofamba anenge achingonongedzwa kuti ndiye uya wekurikita mwanasikana nezvibhakera pachikoro, iye ndokuzodzoserwawo.

 Kune dzimwe nzira dzinogona kushandiswa kuranga vana kana vane zvavanenge vakanganisa pachikoro kwete kurova nezvibhakera kana neshamhu. Zvisinei nekuti pasi pemutemo vana havabvumidzwe kurohwa, vana vachiri kuramba vachirohwa — zvose kumba nekuchikoro. Asi uku kutyora mtemo. Dzimwe mhosva dzacho dzinonzi dziri kuroverwa vana muzvikoro hadzina kana shumo zvachose.

 Semuenzaniso, mumwe ticha achiri pakoreji yekudzidzira basa ari pachikoro cheHugh Beadle Primary School, kuBulawayo, akamiswa mudare nguva pfupi yadarika achipomerwa kurova mwana weGrade 5 achishandisa paipi nekuda kwekuti aiti runyoro rwake (handwritting) rwakashata. Ticha uyu anonzi akarova mwana uyu nepaipi iyi kanokwana katanhatu mumusoro.

 Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi zvakare, mwana weGrade 1 anodzidza paAmaveni Primary School, kuKwekwe, anonzi akakuvara zvakaipisisa apo ticha wake akamurovera musoro wake pedhesiki mushure mekunge ashatirwa.

 Mwana uyu akaendeswa kuchipatara cheKwekwe District Hospital uko akanosonwa masitichi pamhanza yake yakange yatsemuka. Kana mwana ari kuchikoro, vabereki vanenge vaine chivimbo chekuti akachengetedzeka nekudaro ibasa rematicha nevakuru vezvikoro rekuona kuti vana vari kudzidza pasina kumbunyikidza nenzira ipi zvayo.

Kana mwana achinge akanganisa, ngapatsvagwe dzimwe nzira dzakaringana dzekumuranga kwete kungomhanyira kurova bedzi sezvo uku kuri kupara mhosva. Isu tinotarisira kuti nyaya yaticha wekurova mwana nezvibhakera uyu ichaongororwa zvizere nebazi rezvedzidzo, kana paine matanho akakodzera obva atorwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>