Coronavirus: Tose tine basa

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

NYAYA yechirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 icho chavamowo muZimbabwe uye kusvika pari zvino chauraya munhu mumwechete haisi yekutamba nayo uye ndiyo iri pamuromo pevanhu vakawanda nekuda kwekutekeshera kwaita denda iri pasi rose.

MuZimbabwe, kusvika pari zvino mune nyaya mbiri dzinozivikanwa dzechirwere ichi, kusanganisira uyo akafa necoronavirus.

Hurumende iri kutora matanho akasimba akananga kudzivirira nekurwisa kupararira kweCovid-19.

Asika, hazvingoda Hurumende yoga iwe neni ngatiitei pedu.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere zvose zviri kutaurwa neHurumende nemamwe masangano panyaya dzekuchengetedza utano.

Mamwe ematanho aya anosanganisira kuvharwa kwemabhodha ari kumiganhu kwenyika kuti kusawane anobuda kana kupinda kusara kwevanosanganisira avo vari mune zvemabhizimisi akakosha.

Vamwe vari kutenderwa kupinda munyika muno kumabhodha zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinenge zvichidzoka kubva kunze asi vanotanga vavhenekwa zvakasimba kuti vaonekwe kana vasina Covid-19.

Hurumende yakatora danho zvakare rekurambidza vanhu kuungana vachidarika 50, kusanganisira kumabhawa nekumitambo.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasangofamba nzendo zvisina tsarukano kana kuenda kunzvimbo dzinoungana vanhu sekumisika kunotengeswa zvakasiyana.  Kunyangwe kumabasa chaiko, makambani nemamwe mapoka akasiyana ari kukurudzirwa kuti atore matanho ekuona kuti vashandi havazi panjodzi here kuburikidza nekuti vashande vasina kuwandisa panzvimbo imwe chete.

Utachiona hweCoronavirus huri nyore kutapuriranwa uye kupararira panenge pakaungana vanhu uye ichi ndicho chikonzero chikuru Hurumende iri kurambidza vanhu kuungana.

Nyaya yeutsanana inofanirwa kukosheswa. Vanhu ngavageze maoko avo nesipo nemvura inomhanya zvakasimba uye nguva nenguva. Ungatadzawo izvozvo? Upenyu hunokosha nekudaro hunofanirwa kuchengetedzwa zvikuru. Pakatanga nyaya yeCoronavirus, vamwe vanhu vaiona chirwere ichi sedambe apo vaingonzwa kuti chiri kuuraya vanhu kune dzimwe nyika kusanganisira kuChina, kuItaly, kuAmerica nekuSpain pakati pedzimwe nyika. Asi iye zvino vazhinji vemuno vave kuziva kuti chiriko uye chinouraya. Vasingazive semumwe hwindi ari kubuda pa”social media” achioma musoro vanoda kuramba vachidzidziswa nekuti vangapararira mukushaya zivo kana kuguma vava nacho vachizotapurira vamwe nekuda kwekushaya ruzivo. Kune vakawanda vave kutofamba vakapfeka ma”face mask” nemagirovhosi ekudzivirira kupararira kweCovid-19 izvo zvakange zvisingaonekwi muno masvondo mashoma adarika.

Kana vemuzvitoro zvikuru vari kutora matanho zvakare ekudzivirira kupararira kweCoronovirus kuburikidza nekuona kuti vanhu vanopinda muzvitoro zvavo vachida kutenga vafiritwa kana kuzorwa mishonga sema”sanitizer” mumaoko avo.

Ibasa remunhu wose kurwisa chirwere ichi kwete kumirira Hurumende yoga. Kana veruzhinji vakabatana mukurwisa Coronavirus zvikuru nekuita utsanana – zvinove nyore kukunda denda iri.

Zimbabwe haisati yasvika padanho serava nedzimwe nyika uko chirwere ichi chadzika midzi nekudaro zvakakosha kuti tisarare nezamu mukanwa nekuti tikadaro tinopera nechakapedza mbudzi.

Kune dzimwe nyika dziri mhiri kwemakungwa, vanhu havazi kubvumirwa kuenda kumabasa asi kugara mudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19. Saka iwe ndiwe aniwo unozoonekwa usingade kungotevedza zvinoita kuti iwe, mhuri yako, nharaunda nenyika irarame? Ino ndiyo nguva yekubatana zvisinei nezvemapato ematongerwo enyika, zvitendero nezvimwe. Tikangoita zvinodiwa tinopona hondo yeCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>