Hakuna munhu anofa nenzara

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti hapana munhu ari kuzofa nenzara muZimbabwe zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wadarika izvo zvakonzera kuti nyika iwane chibage chishoma.

Vachitaura vari kuChipinge svondo rapera kugungano revanhu mushure mekuvhura mugwagwa weNgundu-Tanganda Highway – uyo wakagadzirwa nemari inosvika $20 miriyoni – President Mnangagwa vanoti Hurumende ichatora matanho ekuona kuti hapana munhu anozofa nenzara munyika muno.

Vanosimbisisa kuti chikafu cherubatsiro hachizi kuzopihwa zvichitariswa kuti munhu anotsigira bato ripi rezvamatongerwo enyika.

President Mnangagwa vanoti Zimbabwe ichatenga matani 800 000 echibage kunze kwenyika kututsira pane chakakohwewa mwaka uno kuti chinge chichikwanirana munyika.

Pari zvino Hurumende iri pakati pekuita hurukuro nenyika dziri mudunhu reSadc nechinangwa chekuti inge ichiwana rubatsiro rwechibage.

Tinotambira nemawoko maviri danho riri kutorwa neHurumende rekutenga chibage kunze kwenyika kuitira kuti muZimbabwe muve nechikafu chakaringana.

Mwaka wadarika, mvura haina kunaya zvakanaka kumatunhu akawanda enyika izvo zvakaona goho rechibage richiderera zvikuru.

Mvura yakanonoka kuturuka ndokuzochimbidza kuenda zvakare izvo zvakaita kuti zvirimwa zvakawanda kumatunhu enyika zviome nekuda kwekushaya mvura.

Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti kune vanhu vakawanda vari kuda chikafu kumativi ose enyika.

Sekutaura kwakaitwa naPresident Mnangagwa, ibasa remasabhuku, masadunhu, makanzura nevamiriri vematunhu mudare reParamende rekuona kuti mashoko ari pamusoro pevanhu vanoda rubatsiro rwezvekudya asvitswa kuHurumende nenguva.

Hurumende yakadzika mutemo zvakare unorambidza kutengeswa kwechibage kumakambani akasiyana kana kuvanhu vakazvimirira kunze kwekunge chichitengeswa kudura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB). Pasi pemutemo uyu, hakuna munhu anotenderwa kufamba aine chibage chinodarika ma50 kg mashanu.

Hurumende yakatora danho iri senzira yekuti chibage chose chinge chichiendeswa kuGMB sezvo gore negore kuchiita makoronyera ayo anotenga chibage ichi kubva kuvarimi nemari shomanana.

Zvakakosha kuti chibage chose chakakohwewa mwaka uno chiendeswe kuGMB kuitira kuti chichengetedzwe uye chigobatsira vari kusangana nedambudziko rekushomeka kwechikafu.

Kune vamwe varimi vari kumatunhu akasiyana enyika avo vakakwanisa kukohwa chibage mwaka uno icho chavanofanirwa kuchichengetesa.

Zvakakosha kuti varimi vakadai vachengetedze chibage chavo nezvimwe zvirimwa kubva kuhudyi hwakaita sezvipfukuto kuburikidza nekuisa mishonga inozviuraya.

Zvichakadaro, kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka uchangodarika kunofanira kupa nyika yose zvidzidzo maringe nekukosha kwenyaya dzemadiridziro. Madhamu makuru nemadiki ari kumatunhu akasiyana enyika anofanira kushandiswa zvizere mukurima mbesa dzakadai sechibage.

Izvi zvakakosha nekuti kana mvura ikasanaya zvakanaka, nyika inowana chikafu chinokwanirana.

Varimi vari kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka makore ose sekuMasvingo vanofanirawo kurima mbesa diki dzinosanganisira mapfunde, zviyo kana mhunga izvo zvinoshingirira muzuva.

Zimbabwe inyika inozivikanwa nekuve hurudza mudunhu reSadc kubvira kare uye tinokwanisa kudzokera pachidanho ichi kana nyaya dzemadiridziro dzikatsigirwa zvizere.

Share This:

Sponsored Links